VaRoma 14:22-23
VaRoma 14:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanotenda. Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.
VaRoma 14:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana uri iwe, kutenda kwaunako uve nako umene pamberi paMwari. Akaropafadzwa munhu uyo asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanozvitendera. Asi uyo anonyunyuta ava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi.
VaRoma 14:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chitendero chaunacho ngachive chako iwe naMwari pahuviri hwenyu. Akakomborerwa munhu asingazvipi mhosva kana aita zvaanga anyatsofunga kuita. Asi munhu anokahadzika akadya anopara mhosva nokuti kuita kwake hakubvi muchitendero nokuti kuita kose kusingabvi muchokwadi chiri mumwoyo womunhu chitadzo.
VaRoma 14:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana uri iwe, kutenda kwaunako uʋe nako umene pamberi paMŋari. Wakaropafadzwa munhu uyo usiŋgaɀipi mhoȿa paɀinhu ɀaanoɀitendera. Asi uyo unonyunyuta waʋa nemhoȿa kana acidya, nokuti haadyi nokutenda; ɀose ɀisiŋgabvi pakutenda, ɀiʋi.
VaRoma 14:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)