VaRoma 14:1-5
VaRoma 14:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani. Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi. Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire. Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make.
VaRoma 14:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino gamuchirai asina simba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake. Mumwe munhu anokutenda kuti angadya zvose; asi asina simba anodya miriwo. Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi; asingadyi ngaarege kupa mhosva anodya; nokuti Mwari akamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye anomira kana anowa pamberi paIshe wake. Achamiswa hake, nokuti Ishe ane simba rokumumisa. Mumwe munhu anoti zuva rimwe rinopfuura rimwe; mumwe anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumwoyo make.
VaRoma 14:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Garai zvakanaka nomunhu ane chitendero chisina kusimba. Mugamuchirei asi musingaiti gakava naye pane zvaanofunga. Mumwe anotenda kuti anogona kudya chero chinhu asi asina kusimba uya achingodya mirio yoga. Anodya chinhu ngaarege kushora uyo asingadyi. Asingadyi uya ngaarege kupa mhosva uya anodya zvake nokuti Mwari anomugamuchira. Iwe ndiwe ani unopa mhosva muranda womumwe. Kubudirira kwake kana kusabudirira kwake muridzi wake ndiye anokuona. Achabudirira nokuti Tenzi wake ndiye anogona kuti abudirire. Mumwe munhu anofunga kuti rimwe zuva riri nani kupinda rimwe, mumwewo achitora mazuva ose seakangoenzana. Mumwe nomumwe ngaanyatsotendeseka mumwoyo make
VaRoma 14:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino gamucirai usinesimba pakutenda kwake musiŋgaiti gakaʋa naye pamsoro pokufuŋga kwake. Mumŋe munhu unokutenda kuti uŋgadya ɀose; asi usinesimba unodya miriʋo. Unodya ŋgaarege kuɀidza usiŋgadyi; usiŋgadyi ŋgaarege kupa mhoȿa unodya; nokuti Mŋari wakamugamucira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumŋe munhu mhoȿa? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Ucamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa. Mumŋe munhu unoti zuʋa rimŋe rinopfuʋura rimŋe; mumŋe unoti mazuʋa ose akafanana. Mumŋe nomumŋe ŋgaaziʋe kwaɀo mumŋoyo make.
VaRoma 14:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)