VaRoma 11:22-36
VaRoma 11:22-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo. Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve. Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari vomuti iwoyo umene, vangabatanidzwa pamuorivhi wavo! Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuomeswa kwomwoyo kwakauya pamusoro pavamwe vavaIsiraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda; naizvozvo rudzi rwose rwavaIsiraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi, “PaZioni pachabuda Musununguri; Achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho; Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.” Kana iri Vhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kutsanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba. Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. Nokuti semi kare makanga musingateereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusateerera kwavo, saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwewo ngoni. Nokuti Mwari akavapfigira vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. Aiwa kupfuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi! Nokuti ndianiko akaziva murangariro waIshe? Ndianiko akanga ari murayiri wake? Ndianiko akatanga kumupa, kuti aripirwezve? Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
VaRoma 11:22-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa. Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare. Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi? Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira veDzimwe Ndudzi vakakwana vapinda. Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “PaZioni pachabuda musununguri; achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.” Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba, nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo, saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri. Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi! “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe? Kana akava mupi wake wamazano?” “Ndianiko akambopa kuna Mwari kuti Mwari angamuripirazve?” Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.
VaRoma 11:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo. Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare. Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo. Mungadaro mukafunga kuti makachenjera, ndingade kuti muzive chakavandika ichi hama dzangu. Kuomaradza mwoyo kwakapinda muchikamu cheIsiraeri kusvikira huwandu hwevechirudzi vose hwapinda. Naizvozvo Isiraeri yose ichaponeswa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mununuri achabva kuZioni achaparadza kusanamata Mwari kose muna Jakobho. Ichochi ndicho chichava chitenderano changu navo kana ndabvisa zvitadzo zvavo.” Pane zveShoko Rakanaka, imhandu dzaMwari kuitira imi, asi pane zvokusarudzwa ndavapamwoyo, pamusana pamadzitateguru avo nokuti zvipo zvaMwari nokudaidza kwake ipfirapo. Sezvamakangoita imi kuti makambova vanhu vasingateereri Mwari asi zvino makaitirwa tsitsi pamusana pokusateerera kwavo, saizvozvowo zvino havateereri kuti netsitsi dzamakaitirwa ivo vaitirwewo tsitsi. Ndinodaro nokuti Mwari akaisa vanhu vose mukusateerera kuti anzwire vose tsitsi. Aiwaiwa hakusi kudzama kwakaita upfumi noungwaru noruzivo rwaMwari! Hakusi kusabatika ikoko kwamazano ake nokusarondeka kwakaita nzira dzake! Nokuti ndiani angazive zviri mupfungwa dzaTenzi; uye ndiani akambova mupi wake wamazano. Kana akambomupa chipo chokuti azodzorerwa, nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari uye zvinouya nokwaari uyewo ndezvake. Iye ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni.

VaRoma 11:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaRoma 11:22-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tarira ʋunyoro nokukasharara kwaMŋari; kukasharara kunaʋakawa, asi kwauri ʋunyoro bgaMŋari, kana ucigara paʋunyoro bgake; kana ɀisakaɗaro, newe ucatemŋa ʋo. Naiʋo ʋo, kana ʋasiŋgagari pakusatenda kwaʋo, ʋacaɓatanidzwa; nokuti Mŋari unogona kuʋaɓatanidza ɀe. Nokuti kana iwe wakatemŋa kumuorivi, uri wokuɗondo pakusikwa kwawo, ukaɓatanidzwa pamuorivi wakanaka, ɀicipesana nokusikwa kwaɀo — ɀikuru sei aʋa ʋariʋomuti iwoyo umene, ʋaŋgaɓatanidzwa pamuorivi waʋo! Nokuti hama dzaŋgu, handiɗi kuti musaziʋa cakaʋanzika ici, kuti murege kuʋa namanyawi; kuti kuwomeswa kwomŋoyo kwakaʋuya pamsoro paʋamŋe ʋaʋaIsraeri kuȿikira kuzara kwaʋahedeni kwapinda; naiɀoɀo rudzi rwose rwaʋaIsraeri rucaponeswa; seɀaɀakanyorwa ɀicinzi: PaZioni pacaɓuɗa Musunuŋguri; Ucabvisa kusaɗa‐Mŋari kunaJakobo; Iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo, Musi wandicabvisa ɀiʋi ɀaʋo. Kana iri Evaŋgeri, iʋo ʋaʋeŋgi ʋaMŋari nokuɗa kwenyu; asi kana kuri kusanaŋgurwa, ʋaɗikanwa nokuɗa kwamadziɓaɓa. Nokuti ɀipo ɀaMŋari nokuɗana kwake haɀishandurwi. Nokuti semi kare makaŋga musiŋgatereri Mŋari, asi ɀino makanzwirwa ŋgoni nokusaterera kwaʋo, saiɀoɀo naiʋo ɀino haʋana‐kuterera, kuti neŋgoni dzakaitirwa imi naiʋo ʋanzwirwe ʋo ŋgoni. Nokuti Mŋari wakaʋapfigira ʋose pakusaterera kwaʋo, kuti aʋanzwire ŋgoni ʋose. Haiwa kufuma kwokucenjera nokuziʋa kwaMŋari kwakadzika sei! Kutoŋga kwake hakuŋganɀerwi, nenzira dzake hadziŋgarondwi! Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe? Ndianiko wakaŋga ari murairi wake? Ndianiko wakataŋga kumupa, kuti aripirwe ɀe? Nokuti ɀose ɀinobva kwaari, ɀiri’po naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi. Ameni.