VaRoma 10:4-13
VaRoma 10:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe. Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.” Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu) kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).” Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza: Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa. Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.” Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”
VaRoma 10:4-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Kristu ndimugumo womurayiro, kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe. Nokuti Mosesi anonyora achiti, “Munhu, anoita kururama, kunorehwa nomurayiro, achararama nazvo.” Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ndianiko achakwira kudenga?” (Ndiko kuburusa Kristu;) kana, “Ndianiko achaburukira kwakadzika-dzika?” (Ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.) Asi kunoreveiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;” kana, kuti uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumwoyo mako, kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa; nokuti munhu anotenda nomwoyo, ndokururamiswa; anopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti, “Aninaani anotenda kwaari, haanganyadziswi.” Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, akapfuma kuna vose vanodana kwaari; nokuti aninaani anodana kuzita raIshe, achaponeswa.
VaRoma 10:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kristu ndiye akagumisa mutemo kuti munhu wose ane chitendero aruramiswe. Mosesi akanyora achiti, “Munhu anochengeta ururami hunobva mumutemo achararamawo nawo.” Asi ururami hunobva muchitendero hunoti, usataure mumwoyo mako uchiti, “Ndiani achakwira kudenga?” (kundounza Kristu pasi pano) kana kuti, “Ndiani achadzika mugomba rakadzikisisa.” (Kundounza Kristu kubva kuvakafa). Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa, nokuti hapana rusaruro rwokuti uyu muJudha, kana kuti uyu muGiriki. Tenzi mumwecheteyo ndiye Tenzi wavose uye anopa upfumi hwake kuna vose vanodaidza kwaari, nokuti munhu wose anodaidza zita raTenzi achaponeswa.
VaRoma 10:4-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Kristu ndimugumo womurairo, kuti mumŋe nomumŋe unotenda aruramiswe. Nokuti Mosesi unonyora, aciti, munhu, unoita kururama, kunorebga nomurairo, ucararama naɀo. Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreʋa kuɗai: Usati mumŋoyo mako: Ndianiko ucakwira kuɗeŋga? (ndiko kuɓurusa Kristu;) kana, ndianiko ucaɓurukira kwakadzika‐dzika? (ndiko kuɓuɗisa Kristu kuʋakafa.) Asi kunoreʋeiko? Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza; kuti, kana ucipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumŋoyo mako, kuti Mŋari wakamumutsa kuʋakafa, ucaponeswa; nokuti munhu unotenda nomŋoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haaŋganyadziswi. Nokuti muJuda nomuGiriki haʋasiyani; nokuti mumŋe ndiye Ishe waʋose, wakafuma kunaʋose ʋanoɗana kwaari; nokuti aninani unoɗana kuzita raShe, ucaponeswa.
VaRoma 10:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)