VaRoma 10:17-21
VaRoma 10:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu. Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.” Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.” Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.” Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”
VaRoma 10:17-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu. Asi ndinoti, “Havana kunzwa here? Izwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.” Asi ndinoti, VaIsiraeri havana kuziva here? Pakutanga Mosesi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati ruri rudzi, Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.” NaIsaya, asingatyi, anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka, Ndakaonekwa navasina kundibvunza.” Asi kuvaIsiraeri anoti, “Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vasingateereri, navanokakavara.”
VaRoma 10:17-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ” Asi zvandinobvunza ndezvokuti havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti izwi ravo rakaenda pasi pose mazwi avo akasvika kwakaperera nyika. Ndinobvunzazve kuti Isiraeri haina kunzwisisa here? Mosesi ndiye anototanga kuti: “Ndichaita kuti muitire shanje vasiri rudzi, mushatirirwe rudzi rusina musoro.” Isaya anoitawo chivindi chokuti ndakawanikwa navavo vasina kunditsvaka ndakazviratidza kune vasina kundibvunza asi nezveIsiraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kuna vanhu vasingateereri, vanhu venharo.”
VaRoma 10:17-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu. Asi ndinoti: Haʋanakunzwa here? Hoŋo, ɀirokwaɀo, Inzwi raʋo rakaɓuɗa kunyika yose, Namashoko aʋo kumigumo yenyika. Asi ndinoti: ƲaIsraeri haʋana‐kuziʋa here? Pakutaŋga Mosesi unoti: Ndicamutsa goɗo renyu norudzi rusati ruri rudzi, Ndicamutsa kutsamŋa kwenyu norudzi rusiŋganzwisisi. NaIsaya, asiŋgatyi, unoti: Ndakawanikwa naʋasina‐kunditȿaka, Ndakaʋonekwa naʋasina‐kundibvunza. Asi kuʋaIsraeri unoti: Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kuʋanhu ʋasiŋgatereri, naʋanokakaʋara.
VaRoma 10:17-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)