Zvakazarurwa 9:12-21
Zvakazarurwa 9:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera. Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari. Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.” Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zveawa yacho iyoyo, zuva iroro, mwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu. Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo. Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri. Chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo. Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo. Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba. Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.
Zvakazarurwa 9:12-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi. Zvino mutumwa wechitanhatu akaridza, ndikanzwa izwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari, richiti kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufuratesi.” Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vauraye chetatu chavanhu. Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zviuru zvezviuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo. Saizvozvowo ndakaona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesuriferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, nohutsi nesuriferi. Chetatu chavanhu chakaurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto nohutsi nesuriferi, zvakabuda mumiromo yawo. Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yavo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, ine misoro; anokuvadza nayo. Vamwe vanhu vasina kuurawa namadambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa amaoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvisirivha, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba; havana kutendeukawo pakuuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana paupombwe hwavo, kana pakuba kwavo.
Zvakazarurwa 9:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhamo yokutanga ndipo painoperera apa. Dzimwe nhamo mbiri dziri kuuya. Mutumwa wechitanhatu akaridza bhosvo rake ndikanzwa izwi robva kune zvinenge nyanga zvina zviya zvapaatari yendarama iri pamberi paMwari richiti kumutumwa wechitanhatu uya ainge ane bhosvo, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru rwaYufuratesi.” Vatumwa vaya vana vakasunungurwa vakanga vakamisirwa nguva nezuva nemwedzi negore rokuuraya naro chikamu chechitatu chavanhu. Varwi vamabhiza vaiva gumi ramazana rakapetwa kaviri rigopetwazve kanosvika gumi ramazana; ndakanzwa uwandu hwavo. Uku ndiko kuona kwandakaita mabhiza iwayo muchiratidzo changu. Vatasvi ivavo vakanga vakapfeka mademautare okuzvidzivirira nawo muhondo oruvara rwomoto nesafaya nesarufa. Misoro yamabhiza iwayo yainge misoro yeshumba, mumiromo yawo muchitogoka moto noutsi nesarufa. Chikamu chechitatu chavanhu chakauraiwa nepfumvu idzodzi nhatu dzomoto noutsi nesarufa zvichibva mumiromo yawo nokuti simba ramabhiza iwayo raiva mumiromo yawo nomumiswe yawo. Miswe yawo yakanga yakaita senyoka ine misoro inokuvadza. Vamwe vanhu vose vakasara vaya, vasina kuuraiwa namatenda iwayo havana kuregera rubatabata rwavo rwuya rwokunamata mweya yakaipa nokunamata zvifananidzo zvendarama nezvesirivha nezvendarira nezvamatombo nezvemiti zvisingakwanisi kuona kana kunzwa kana kufamba. Havana kuregera humhondi hwavo nouroyi hwavo noupombwe hwavo kana umbavha hwavo.
Zvakazarurwa 9:12-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhamo imŋe yapfuʋura; tarira, nhamo dzimŋe mbiri dzinoteʋera shure kwaiɀoɀi. Ɀino mutumŋa wecitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi ricibva panyaŋga inna dzeartari yendarama yakaŋga iri pamberi paMŋari, riciti kumutumŋa wecitanhatu wakaŋga anehwamanda: Sunuŋgura ʋatumŋa ʋanna ʋakasuŋgwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi. Ipapo ʋatumŋa ʋanna ʋakasunuŋgurwa, ʋakaŋga ʋakagadzirirwa ŋguʋa, nezuʋa, nomŋedzi, negore, kuti ʋaʋuraye cetatu caʋanhu. Kuwanda kwehondo dzaʋataȿi ʋamabiza kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru ɀamazana maʋiri; ndikanzwa kuʋereŋgwa kwaʋo. Saiɀoɀo ʋo ndakaʋona mabiza pakuratidzwa kwaŋgu, naʋakaŋga ʋakaataȿa, ʋaneɀidzitiro ɀecifuʋa ɀakaita seɀomŋoto, neɀehiasinto, neɀesurferi; nemisoro yamabiza yakaŋga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makaɓuɗa mŋoto, noʋutsi nesurferi. Cetatu caʋanhu cakaʋurawa namaɗambudziko awa matatu, anoti, mŋoto noʋutsi nesurferi, ɀakaɓuɗa mumiromo yawo. Nokuti simba ramabiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuʋadza nayo. Ʋamŋe ʋanhu ʋasina‐kuʋurawa namaɗambudziko awa, haʋana‐kutendeʋuka pamaɓasa amaʋoko aʋo, kuti ʋarege kunamata mŋeya yakaipa, neɀifananidzo ɀendarama, neɀesirveri, neɀendarira, neɀamabge, neɀemiti, ɀisiŋgagoni kuʋona, kana kunzwa, kana kufamba; haʋana‐kutendeʋuka ʋo pakuʋuraya kwaʋo, kana pakurowa kwaʋo, kana paʋupombge bgaʋo, kana pakuɓa kwaʋo.
Zvakazarurwa 9:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)