Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 9:1-21

Zvakazarurwa 9:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo. Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika. Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu. Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga. Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu. Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba. Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa. Dzakanga dzine miswe norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu. Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni. Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera. Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari. Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.” Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zveawa yacho iyoyo, zuva iroro, mwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu. Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo. Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri. Chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo. Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo. Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba. Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

Zvakazarurwa 9:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mutumwa wechishanu akaridza, ndikaona nyeredzi, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika. Ikazarura gomba rakadzika-dzika, hutsi hukakwira huchibva mugomba, sohutsi hwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa nohutsi hwegomba. Muhutsi makabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika. Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. Hadzina kupiwa basa rokuvauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu. Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza. Pakuonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga panezvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama; zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu. Dzakanga dzine vhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameso adzo akanga akaita seeshumba. Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa. Dzakanga dzine miswe, yakaita seyezvinyavada, noumborera; pamiswe yadzo pakanga pane simba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu. Dzakanga dzina mambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika-dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechiGiriki zita rake ndiAporioni. Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi. Zvino mutumwa wechitanhatu akaridza, ndikanzwa izwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari, richiti kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufuratesi.” Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vauraye chetatu chavanhu. Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zviuru zvezviuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo. Saizvozvowo ndakaona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesuriferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, nohutsi nesuriferi. Chetatu chavanhu chakaurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto nohutsi nesuriferi, zvakabuda mumiromo yawo. Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yavo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, ine misoro; anokuvadza nayo. Vamwe vanhu vasina kuurawa namadambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa amaoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvisirivha, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba; havana kutendeukawo pakuuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana paupombwe hwavo, kana pakuba kwavo.

Zvakazarurwa 9:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mutumwa wechishanu akaridza bhosvo rake. Ndakabva ndaona nyenyedzi yakawira pasi kubva kudenga yakanga yapiwa kiyi yeziburi regomba risina parinoperera. Akazarura ziburi riya regomba risina parinoperera. Muziburi iroro makatogoka utsi hunenge hwevira guru romoto. Zuva nomunga'mu zvakabva zvati ndindo kusvipa noutsi hwomuziburi riya. Muhutsi ihwohwo makabuda mhashu panyika dzakapiwa simba rinenge ramarize apanyika. Dzakaudzwa kuti dzisaparadze uswa hwenyika kana chii zvacho chinyoro kana muti zvawo, asi kuti dziparadze vanhu vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo. Dzakabvumirwa kuvaonesa nhamo kwemwedzi mishanu dzisingavaurayi. Kurwadza kwadzo kwaiita sokurwadza kwerize kana raruma munhu. Pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu vasingaruwani vachasuwira kufa, asi rufu ruchatiza. Mhashu idzodzo dzakanga dzakaita samabhiza aronganirana hondo. Pamisoro yadzo pakanga paine zvairatidzika sendaza dzendarama. Zviso zvadzo ungati vanhu. Mvere dzadzo ungati ivhudzi ravakadzi, mazino adzo, ungati mazino eshumba chaiwo. Makwakwambi adzo waitoti zvidemautare zvesimbi zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Irwo ruzha rwamapapiro adzo waiti ingoro dzehondo dzina mabhiza ava kumhanyira muhondo dziine miswe inenge yamarize inoruma uye simba radzo rokukuvadza vanhu kwemwedzi mishanu riri mumiswe yadzo iyoyo. Mambo wadzo aiva mutumwa uya wegomba risina parinoperera. Zita rake muchiHebheru rinonzi Abhadhoni muchiGiriki richinzi Aporioni. Nhamo yokutanga ndipo painoperera apa. Dzimwe nhamo mbiri dziri kuuya. Mutumwa wechitanhatu akaridza bhosvo rake ndikanzwa izwi robva kune zvinenge nyanga zvina zviya zvapaatari yendarama iri pamberi paMwari richiti kumutumwa wechitanhatu uya ainge ane bhosvo, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru rwaYufuratesi.” Vatumwa vaya vana vakasunungurwa vakanga vakamisirwa nguva nezuva nemwedzi negore rokuuraya naro chikamu chechitatu chavanhu. Varwi vamabhiza vaiva gumi ramazana rakapetwa kaviri rigopetwazve kanosvika gumi ramazana; ndakanzwa uwandu hwavo. Uku ndiko kuona kwandakaita mabhiza iwayo muchiratidzo changu. Vatasvi ivavo vakanga vakapfeka mademautare okuzvidzivirira nawo muhondo oruvara rwomoto nesafaya nesarufa. Misoro yamabhiza iwayo yainge misoro yeshumba, mumiromo yawo muchitogoka moto noutsi nesarufa. Chikamu chechitatu chavanhu chakauraiwa nepfumvu idzodzi nhatu dzomoto noutsi nesarufa zvichibva mumiromo yawo nokuti simba ramabhiza iwayo raiva mumiromo yawo nomumiswe yawo. Miswe yawo yakanga yakaita senyoka ine misoro inokuvadza. Vamwe vanhu vose vakasara vaya, vasina kuuraiwa namatenda iwayo havana kuregera rubatabata rwavo rwuya rwokunamata mweya yakaipa nokunamata zvifananidzo zvendarama nezvesirivha nezvendarira nezvamatombo nezvemiti zvisingakwanisi kuona kana kunzwa kana kufamba. Havana kuregera humhondi hwavo nouroyi hwavo noupombwe hwavo kana umbavha hwavo.

Zvakazarurwa 9:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mutumŋa wecishanu wakaridza, ndikaʋona nyeredzi, yakabva kuɗeŋga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika‐dzika. Ikazarura gomba rakadzika‐dzika, ʋutsi bgukakwira bgucibva mugomba, soʋutsi bgeʋira guru; zuʋa neɗeŋga ɀikaȿiɓiswa noʋutsi bgegomba. Muʋutsi makaɓuɗa mhashu dzikaʋuya panyika, dzikapiwa simba sesimba reɀinyaʋaɗa ɀenyika. Dzikaʋudzwa kuti dzirege kutadzira ʋuswa bgenyika, necinhu cinyoro, kana miti yose, asi ʋanhu ɓedzi ʋasinecisimbiso caMŋari pahuma dzaʋo. Hadzina‐kupiwa ɓasa rokuʋaʋuraya, asi kuti ʋarwadziswe mŋedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakaŋga kwakaita sokurwadzisa kwecinyaʋaɗa, kana ciciruma munhu. Namazuʋa iwayo ʋanhu ʋacatȿaka rufu, asi haʋaŋgatoŋgoruwani, ʋacaʋiŋga kufa, asi rufu rucaʋatiza. Pakuʋonekwa kwadzo mhashu dzakaŋga dzakaita samabiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakaŋga paneɀimŋe ɀakaita sekorona dzakafanana nendarama; ɀiso ɀadzo ɀakaŋga ɀakaita seɀiso ɀaʋanhu. Dzakaŋga dzinevudzi rakaita sevudzi raʋakadzi, nameno adzo akaŋga akaita seeshumba. Dzakaŋga dzineɀidzitiro ɀecifuʋa ɀakaita seɀamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kweŋgoro dzamabiza mazhinji anomhanyira kurwa. Dzakaŋga dzinemiswe, yakaita seyeɀinyaʋaɗa, noʋumborera; pamiswe yadzo pakaŋga panesimba rokukuʋadza ʋanhu mŋedzi mishanu. Dzakaŋga dzinamambo wadzo, ari mutumŋa wegomba rakadzika‐dzika, zita rake neciHeberu ndiAbadoni, neciGiriki zita rake ndiAporioni. Nhamo imŋe yapfuʋura; tarira, nhamo dzimŋe mbiri dzinoteʋera shure kwaiɀoɀi. Ɀino mutumŋa wecitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi ricibva panyaŋga inna dzeartari yendarama yakaŋga iri pamberi paMŋari, riciti kumutumŋa wecitanhatu wakaŋga anehwamanda: Sunuŋgura ʋatumŋa ʋanna ʋakasuŋgwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi. Ipapo ʋatumŋa ʋanna ʋakasunuŋgurwa, ʋakaŋga ʋakagadzirirwa ŋguʋa, nezuʋa, nomŋedzi, negore, kuti ʋaʋuraye cetatu caʋanhu. Kuwanda kwehondo dzaʋataȿi ʋamabiza kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru ɀamazana maʋiri; ndikanzwa kuʋereŋgwa kwaʋo. Saiɀoɀo ʋo ndakaʋona mabiza pakuratidzwa kwaŋgu, naʋakaŋga ʋakaataȿa, ʋaneɀidzitiro ɀecifuʋa ɀakaita seɀomŋoto, neɀehiasinto, neɀesurferi; nemisoro yamabiza yakaŋga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makaɓuɗa mŋoto, noʋutsi nesurferi. Cetatu caʋanhu cakaʋurawa namaɗambudziko awa matatu, anoti, mŋoto noʋutsi nesurferi, ɀakaɓuɗa mumiromo yawo. Nokuti simba ramabiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuʋadza nayo. Ʋamŋe ʋanhu ʋasina‐kuʋurawa namaɗambudziko awa, haʋana‐kutendeʋuka pamaɓasa amaʋoko aʋo, kuti ʋarege kunamata mŋeya yakaipa, neɀifananidzo ɀendarama, neɀesirveri, neɀendarira, neɀamabge, neɀemiti, ɀisiŋgagoni kuʋona, kana kunzwa, kana kufamba; haʋana‐kutendeʋuka ʋo pakuʋuraya kwaʋo, kana pakurowa kwaʋo, kana paʋupombge bgaʋo, kana pakuɓa kwaʋo.

Zvakazarurwa 9:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)