Zvakazarurwa 8:3-4
Zvakazarurwa 8:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe. Utsi hwezvinonhuhwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa.
Zvakazarurwa 8:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mumwe mutumwa akauya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwechete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro choushe. Utsi hwezvinonhuwira hukakwira pamberi paMwari huchibva muruoko rwomutumwa pamwechete neminyengetero yavatsvene.
Zvakazarurwa 8:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe mutumwa akauya akasvikomira kuatari. Akanga aine bisiro rendarama akapiwa rusenzi rwakawanda kuti arusanganise neminamato yavatsvene vose paatari yendarama iya, pamberi pechigaro choumambo. Utsi hwerusenzi hwakakwira pamwechete neminamato yavatsvene ichibva mumaoko omutumwa aiva pamberi paMwari.
Zvakazarurwa 8:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe mutumŋa wakaʋuya, akamira paartari, anomudziyo wendarama weɀinonhuwira; akapiwa ɀinouhuwira ziɀhinji kuti aɀiise pamŋe cete neminyeŋgetero yaʋatȿene ʋose pamsoro peartari yendarama, yakaŋga iri pamberi pecigaro coʋushe. Ʋutsi bgeɀinonhuwira bgukakwira pamberi paMŋari bgucibva muruʋoko rwomutumŋa pamŋe cete neminyeŋgetero yaʋatȿene.
Zvakazarurwa 8:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)