Zvakazarurwa 3:7-13
Zvakazarurwa 3:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura. Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda. Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika. Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako. Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.
Zvakazarurwa 3:7-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherifia, uti: “Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anoti kana achizarura, hakuna anopfiga, kana achipfiga, hakuna anozarura: Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu. Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda. Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa yoda kuuya panyika yose, kuedza vanogara panyika. Ndinokurumidza kuuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako. Anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusaremu idzva rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Zvakazarurwa 3:7-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia. Herino shoko reanoera wechokwadi ane kii yaDhavhidhi anoti akazarura hapana anogona kuzarira wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura. Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu. Vesangano raSatani, vanozviti vaJudha asi ivo vasiri, vachireva nhema; ndichaita kuti vauye vachizokugwadamira patsoka dzako vadzidze kuti ndakakuda, nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira, ndichakuchengeta panguva yokuedzwa iri kuuya pasi pose kuzoedza vose vagere panyika. Ndiri kuuya nokukurumidza. Batisisai zvamuinazvo kuti parege kuva nomunhu anokubvutirai chiremba chenyu. Anokunda ndichamuita musimboti muTemberi yaMwari wangu. Haachazobvamo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu uye zita reguta raMwari wangu, Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga, uyewo zita rangu idzva. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.
Zvakazarurwa 3:7-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paFiraderfia, uti: Ɀanzi naiye mutȿene, iye waɀokwaɗi, iye unekiyi yaDavidi, iye unoti kana acizarura, hakuna‐unopfiga, kana acipfiga, hakuna‐unozarura: Ndinoziʋa maɓasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukoʋa wakazaruka, hakuna‐uŋgagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakaceŋgeta shoko raŋgu, ukasaramba zita raŋgu. Tarira ndinokupa ʋamŋe ʋari ʋesinagoge raSatani, ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi ʋanoreʋa nhema; tarira, ndicaʋaʋuyisa kuti ʋanamate pamberi petsoka dzako, ʋuye ʋaziʋe kuti ndakakuɗa. Ɀawakaceŋgeta shoko rokutsuŋgirira kwaŋgu, ndicakuceŋgeta ʋo paŋguʋa yokuidzwa yoɗo‐kuʋuya panyika yose, kuidza ʋanogara panyika. Ndinokurumidza kuʋuya; ɓatisisa ico caunaco, kuti urege kutorerwa korona yako. Unokunda ndicamuita mbiru mutembere yaMŋari waŋgu, haaŋgazoɓuɗi’mo ɀe; ndicanyora pamsoro pake zita raMŋari waŋgu, nezita reguta raMŋari waŋgu, Jerusarema idɀa rinoɓuruka kuɗeŋga kunaMŋari waŋgu, nezita raŋgu idɀa. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.
Zvakazarurwa 3:7-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)