Zvakazarurwa 3:3-20
Zvakazarurwa 3:3-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri. Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira. Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. “Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura. Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda. Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika. Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako. Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke. “Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari. Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi! Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu. Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira. Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona. Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke. Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.
Zvakazarurwa 3:3-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendeuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichauya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo. Asi unamazita mashoma paSadhisi avanhu vasina kusvibisa nguo dzavo; vachafamba neni vane nguo chena, nokuti vakafanirwa nazvo. Anokunda, achapfekedzwa saizvozvo nguo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku youpenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. “Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherifia, uti: “Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anoti kana achizarura, hakuna anopfiga, kana achipfiga, hakuna anozarura: Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu. Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda. Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa yoda kuuya panyika yose, kuedza vanogara panyika. Ndinokurumidza kuuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako. Anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusaremu idzva rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. “Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti: “Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari: Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa. Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu. “Nokuti unoti, ‘Ndakapfuma, ndakapfumiswa; handishayiwi chinhu;’ usingazivi, kuti ndiwe uno urombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka. “Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaedzwa mumoto, kuti uve nepfuma, nenguo chena, kuti ufukidze; nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uone. Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendeuke. Tarira, ndimire pasuo, ndichigogodza; kana munhu akanzwa izwi rangu, akazarura musuo, ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye neni.
Zvakazarurwa 3:3-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo yeuka zvawakagamuchira nezvawakanzwa. Chengeta izvozvo utendeuke. Kana usina kumuka ndichauya sembavha uye haumboziva kuti ndichauya nenguva ipi. Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo, vachafamba pamwechete neni vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera. Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi. Pamberi pababa vangu napamberi pavatumwa vake, ndichapupurira zita rake kuti ndowedu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.’ “Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia. Herino shoko reanoera wechokwadi ane kii yaDhavhidhi anoti akazarura hapana anogona kuzarira wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura. Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu. Vesangano raSatani, vanozviti vaJudha asi ivo vasiri, vachireva nhema; ndichaita kuti vauye vachizokugwadamira patsoka dzako vadzidze kuti ndakakuda, nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira, ndichakuchengeta panguva yokuedzwa iri kuuya pasi pose kuzoedza vose vagere panyika. Ndiri kuuya nokukurumidza. Batisisai zvamuinazvo kuti parege kuva nomunhu anokubvutirai chiremba chenyu. Anokunda ndichamuita musimboti muTemberi yaMwari wangu. Haachazobvamo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu uye zita reguta raMwari wangu, Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga, uyewo zita rangu idzva. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. “Nyorera mutumwa wesangano rokuRaodhekia uti zvanzi naAmeni, “ ‘Iye chapupu chinotendeka chechokwadi, iye mavambo ezvisikwa zvaMwari.’ “Ndinoziva mabasa ako, hautonhori kana kupisa, dai waitotonhora zvako kana kupisa. Asi nokuda kokuti uno rudziirakure usingatonhori kana kupisa ndichakusvipa mukanwa mangu. Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka. Saizvozvo ndinokubaira zanhi rokuti utenge kwandiri ndarama yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi nehanzu chena dzokuti upfeke kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako namafuta okuzora maziso ako kuti uone. Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo ita shungu utendeuke. Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura musuo ndichapinda maari ndigodya naye iye achidya neni.
Zvakazarurwa 3:3-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo raŋgarira kuti wakagamucira nokunzwa sei; uɀiceŋgete, utendeʋuke. Naiɀoɀo kana usiŋgapepuki, ndicaʋuya sembava, hauŋgaziʋi nguʋa yandicakuwira nayo. Asi unamazita mashoma paSardisi aʋanhu ʋasina‐kuȿiɓisa ŋguʋo dzaʋo; ʋacafamba neni ʋaneŋguʋo cena, nokuti ʋakafanirwa naɀo. Unokunda, ucapfekedzwa saiɀoɀo ŋguʋo cena; handiŋgatoŋgodzimi zita rake pabuku yoʋupenyu, ndicapupura zita rake pamberi paƂaɓa ʋaŋgu, napamberi paʋatumŋa ʋake. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Nyorera mutumŋa wekereke iri paFiraderfia, uti: Ɀanzi naiye mutȿene, iye waɀokwaɗi, iye unekiyi yaDavidi, iye unoti kana acizarura, hakuna‐unopfiga, kana acipfiga, hakuna‐unozarura: Ndinoziʋa maɓasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukoʋa wakazaruka, hakuna‐uŋgagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakaceŋgeta shoko raŋgu, ukasaramba zita raŋgu. Tarira ndinokupa ʋamŋe ʋari ʋesinagoge raSatani, ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi ʋanoreʋa nhema; tarira, ndicaʋaʋuyisa kuti ʋanamate pamberi petsoka dzako, ʋuye ʋaziʋe kuti ndakakuɗa. Ɀawakaceŋgeta shoko rokutsuŋgirira kwaŋgu, ndicakuceŋgeta ʋo paŋguʋa yokuidzwa yoɗo‐kuʋuya panyika yose, kuidza ʋanogara panyika. Ndinokurumidza kuʋuya; ɓatisisa ico caunaco, kuti urege kutorerwa korona yako. Unokunda ndicamuita mbiru mutembere yaMŋari waŋgu, haaŋgazoɓuɗi’mo ɀe; ndicanyora pamsoro pake zita raMŋari waŋgu, nezita reguta raMŋari waŋgu, Jerusarema idɀa rinoɓuruka kuɗeŋga kunaMŋari waŋgu, nezita raŋgu idɀa. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Nyorera mutumŋa wekereke iri paRaodikia, uti: Ɀanzi naAmeni, capupu cakatendeka, caɀokwaɗi, kutaŋga kweɀisikwa ɀaMŋari: Ndinoziʋa maɓasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ƌai ucitonhora kana kupisa. Ɀino ɀaunodziya, usiŋgatonhori kana kupisa, ndicakuȿiȿina mumuromo maŋgu. Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi cinhu; usiŋgaziʋi, kuti ndiwe unoʋurombo nenhamo, uri murombo neɓofu usine‐cokufuka. Ndinokupa zano kuti uteŋge kwandiri ndarama yakaidzwa mumŋoto, kuti uʋe nefuma, neŋguʋo cena, kuti uɀifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuʋonekwa; necizoro cameso, kuti uzore meso ako, uʋone. Ʋose ʋandinoɗa ndinoʋaraŋga nokuʋaroʋa; naiɀoɀo shiŋgaira utendeʋuke. Tarira, ndimire pamukoʋa, ndicigogodza; kana munhu akanzwa inzwi raŋgu, akazarura mukoʋa, ndicapinda kwaari, ndicarayira naye, naiye neni.
Zvakazarurwa 3:3-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)