Zvakazarurwa 3:1-6
Zvakazarurwa 3:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa. Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu. Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri. Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira. Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Zvakazarurwa 3:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paSadhisi uti: “Zvanzi naiye ane mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa. Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako ari akakwana pamberi paMwari wangu. “Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendeuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichauya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo. Asi unamazita mashoma paSadhisi avanhu vasina kusvibisa nguo dzavo; vachafamba neni vane nguo chena, nokuti vakafanirwa nazvo. Anokunda, achapfekedzwa saizvozvo nguo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku youpenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Zvakazarurwa 3:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuSadhisi “Mazwi ouyo ane mweya minomwe yaMwari uye ane nyenyedzi nomwe uti: ‘Ndinoziva mabasa ako, une kambiri kokunzi uri mupenyu asi iwe wakafa. Muka usimbaradze zvasara uye zvava pedyo nokufa. Nokuti mabasa ako handina kuaona akakwana pamberi paMwari wangu. Naizvozvo yeuka zvawakagamuchira nezvawakanzwa. Chengeta izvozvo utendeuke. Kana usina kumuka ndichauya sembavha uye haumboziva kuti ndichauya nenguva ipi. Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo, vachafamba pamwechete neni vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera. Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi. Pamberi pababa vangu napamberi pavatumwa vake, ndichapupurira zita rake kuti ndowedu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.’
Zvakazarurwa 3:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paSardisi, uti: Ɀanzi naiye unemŋeya minomŋe yaMŋari, nenyeredzi nomŋe: Ndinoziʋa maɓasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa. Pepuka, usimbise iɀo ɀakasara, ɀakaŋga ɀoɗo‐kufa; nokuti handina‐kuwana maɓasa ako kuti akakwana pamberi paMŋari waŋgu. Naiɀoɀo raŋgarira kuti wakagamucira nokunzwa sei; uɀiceŋgete, utendeʋuke. Naiɀoɀo kana usiŋgapepuki, ndicaʋuya sembava, hauŋgaziʋi nguʋa yandicakuwira nayo. Asi unamazita mashoma paSardisi aʋanhu ʋasina‐kuȿiɓisa ŋguʋo dzaʋo; ʋacafamba neni ʋaneŋguʋo cena, nokuti ʋakafanirwa naɀo. Unokunda, ucapfekedzwa saiɀoɀo ŋguʋo cena; handiŋgatoŋgodzimi zita rake pabuku yoʋupenyu, ndicapupura zita rake pamberi paƂaɓa ʋaŋgu, napamberi paʋatumŋa ʋake. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.
Zvakazarurwa 3:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)