Zvakazarurwa 22:1-5
Zvakazarurwa 22:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi. Hakuchazovazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira. Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo. Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.
Zvakazarurwa 22:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekirisitaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwayana, pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti woupenyu, unobereka michero yamarudzi ane gumi namaviri, uchiita michero yaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi. Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro choushe chaMwari necheGwayana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira; vachaona chiso chake; uye zita rake richava pahuma dzavo. Usiku hahuchazovepo; havatsvaki chiedza chomwenje, kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari achavavhenekera; vachabata ushe nokusingaperi-peri.
Zvakazarurwa 22:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mutumwa akazondiratidza rwizi rwemvura youpenyu yakachena sezvimedu zvedombo romusarasara rwuchierera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheHwayana napakati pomugwagwa weguta. Kumativi ose erwizi, kwaiva nomuti woupenyu unobereka muchero gumi nakaviri uchibereka muchero mwedzi woga woga; mashizha awo anorapa ndudzi dzavanhu. Hapachazovapo nokurengererwa rushambwa asi chigaro chaMwari choumambo necheHwayana zvichava muguta iroro; varanda vake vachamugwadamira vachimunamata. Vachaona uso hwake uye zita rake richava pahuma dzavo. Hapachazovazve nousiku, havazoda kuvhenekerwa nomwenje kana nezuva; nokuti Tenzi Mwari ndiye achava chiedza chavo uye vachatonga narini narini wose.
Zvakazarurwa 22:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akandiratidza rwizirwemvura yoʋupenyu, yakapenya sekristaro, inoɓuɗa pacigaro coʋushe caMŋari neceGwaiana, pakati penzira yaro. Kumatiʋi maʋiri orwizi kwakaŋga kunomuti woʋupenyu, unoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi anegumi namaʋiri, uciita ɀiɓereko ɀaro mŋedzi mumŋe nomumŋe; namashizha omuti aiʋa mushoŋga wokuporesa ndudzi. Hakucaʋi necinhu cakatukwa; cigaro coʋushe caMŋari neceGwaiana cicaʋa mukati maro; ʋaranda ʋake ʋacamushumira; ʋacaʋona ciso cake; ʋuye zita rake ricaʋa pahuma dzaʋo. Ʋusiku habgucazoʋi’po; haʋatȿaki ciedza comŋenje, kana ciedza cezuʋa; nokuti Ishe Mŋari ucaʋavenekera; ʋacaɓata ʋushe nokusiŋgaperi‐peri.
Zvakazarurwa 22:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)