Zvakazarurwa 22:1-21
Zvakazarurwa 22:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi. Hakuchazovazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira. Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo. Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri. Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.” “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.” Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi. Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!” Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera. Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.” “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma. “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo. Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita. “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamasase inopenya.” Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi. Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri. Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri. Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni. Uyai, Ishe Jesu. Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.
Zvakazarurwa 22:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekirisitaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwayana, pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti woupenyu, unobereka michero yamarudzi ane gumi namaviri, uchiita michero yaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi. Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro choushe chaMwari necheGwayana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira; vachaona chiso chake; uye zita rake richava pahuma dzavo. Usiku hahuchazovepo; havatsvaki chiedza chomwenje, kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari achavavhenekera; vachabata ushe nokusingaperi-peri. Zvino akati kwandiri, “Mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.” Tarirai, ndokurumidza kuuya; anochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iri akaropafadzwa. Ini Johani, ndini ndakanzwa, ndikaona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa akandiratidza izvozvi. Akati kwandiri, “Rega kudaro; ndiri muranda pamwechete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.” Ipapo akati kwandiri, “Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iri, nokuti nguva yava pedyo. Asina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.” “Tarirai, ndinokurumidza kuuya; mubayiro wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata. Ndini Arifa neOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.” Vanosuka nguo dzavo vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu, vapinde napamasuo eguta. Kunze ndiko kune imbwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita. “Ini Jesu, ndakatuma mutumwa wangu, kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamatsatse inopenya.” Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Naiye anonzwa ngaati, “Uya!” Ane nyota ngaauye. Anoda ngaatore mvura yohupenyu asingatengwi. Ndinopupurira mumwe nomumwe anonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iri; kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pamuti woupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iri. Iye anopupura izvozvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni, uyai, Ishe Jesu. Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navose. Ameni.
Zvakazarurwa 22:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mutumwa akazondiratidza rwizi rwemvura youpenyu yakachena sezvimedu zvedombo romusarasara rwuchierera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheHwayana napakati pomugwagwa weguta. Kumativi ose erwizi, kwaiva nomuti woupenyu unobereka muchero gumi nakaviri uchibereka muchero mwedzi woga woga; mashizha awo anorapa ndudzi dzavanhu. Hapachazovapo nokurengererwa rushambwa asi chigaro chaMwari choumambo necheHwayana zvichava muguta iroro; varanda vake vachamugwadamira vachimunamata. Vachaona uso hwake uye zita rake richava pahuma dzavo. Hapachazovazve nousiku, havazoda kuvhenekerwa nomwenje kana nezuva; nokuti Tenzi Mwari ndiye achava chiedza chavo uye vachatonga narini narini wose. Mutumwa akati kwandiri, “Mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi Tenzi Mwari wemweya yavaporofita akatuma mutumwa wake kuti azoratidza varanda vake zvichaitika zvino uno.” “Chinzwa ndiri kuuya nokukurumidza. Akakomborerwa zvake anochengeta mazwi okuporofita ebhuku rino. Ini Johani ndini iye ndakanzwa ndikaona zvinhu izvi.” Pandakazvinzwa nokuzviona, ndakati pasi gwadagwa kupfugamira patsoka dzomutumwa akandiratidza zvinhu izvi. Asi iye akanditi, “Usadaro, ini ndiri mushandipamwe newe uye pamwe navaporofita, hama dzako navanochengeta mazwi ebhuku rino iri. Mwari ndiye waunofanira kugwadamira uchinamata.” Akatizve kwandiri, “Usavige mazwi okuporofita aya, nokuti nguva yavakutosvika. Muiti wezvakaipa angangoita zvake zvakaipa wetsvina angangorambawo zvake achiita zvetsvina izvozvo; woururami achiitawo zvake zvakarurama nomutsvene achiitawo zvoutsvene. “Asi ndiri kuuya nokukurumidza ndakatakura mubayiro wangu kuti ndizopa munhu wose zvakaenzanirana nezvaakaita. Ndini Arifa naOmega ndini wokutanga nowokupedzisira ndini mavambo namagumo ezvinhu. “Vakakomborerwa vanogeza magemenzi avo kuti vave nemvumo yokudya muti woupenyu uye kuti vave nemvumo yokupinda napamisuo mikuru yeguta. Kunze uku kunenge kuine imbwa dzavanhu navaroyi nemhombwe nemhondi navanamati vezvinhu zvisiri Mwari navanofarira uye vanoita zvamanyepo. Ini Jesu ndini ndatumira mutumwa wangu kwamuri nouchapupu uhu kumasangano. Ndini dzinde nebukira raDhavhidhi ndini hweva yamangwanani.” Mweya nemwenga vanoti, “Uya.” Anenge azvinzwa ngaati, “Uya.” Anenge ane nyota ngaauye; anoda ngaatore zvake mvura youpenyu pasina muripo. Ndinoyambira munhu wose anonzwa mazwi okuporofita omubhuku rino. Munhu anoawedzera, Mwari achamuwedzerawo pfumvu dzakatsanangurwa mubhuku rino. Munhu anobvisawo mamwe mazwi okuporofita uku Mwari achabvisa mugove wake uri mumuti woupenyu nomugove wake muguta dzvene zvinotsanangurwa mubhuku rino iri. Iye ari kutaura zvinhu izvi anoti, “Chokwadi ndiri kuuya zvino uno.” Ameni uyai Tenzi Jesu. Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu ngachive navanhu vose. Ameni.
Zvakazarurwa 22:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akandiratidza rwizirwemvura yoʋupenyu, yakapenya sekristaro, inoɓuɗa pacigaro coʋushe caMŋari neceGwaiana, pakati penzira yaro. Kumatiʋi maʋiri orwizi kwakaŋga kunomuti woʋupenyu, unoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi anegumi namaʋiri, uciita ɀiɓereko ɀaro mŋedzi mumŋe nomumŋe; namashizha omuti aiʋa mushoŋga wokuporesa ndudzi. Hakucaʋi necinhu cakatukwa; cigaro coʋushe caMŋari neceGwaiana cicaʋa mukati maro; ʋaranda ʋake ʋacamushumira; ʋacaʋona ciso cake; ʋuye zita rake ricaʋa pahuma dzaʋo. Ʋusiku habgucazoʋi’po; haʋatȿaki ciedza comŋenje, kana ciedza cezuʋa; nokuti Ishe Mŋari ucaʋavenekera; ʋacaɓata ʋushe nokusiŋgaperi‐peri. Ɀino akati kwandiri: Mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi; Ishe, Mŋari wemŋeya yaʋaprofita, wakatuma mutumŋa wake kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu ɀoɗo‐kuitwa. Tarirai, ndokurumidza kuʋuya; unoceŋgeta mashoko okuprofita kwebuku iyi wakaropafadzwa. Ini Johane, ndini ndakanzwa, ndikaʋona iɀoɀi. Ɀino ndakati ndicinzwa, nokuʋona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumŋa wakandiratidza iɀoɀi. Akati kwandiri: Rega kuɗaro; ndiri muranda pamŋe cete newe, nehama dzako, ʋaprofita, naʋanoceŋgeta mashoko ebuku iyi; namata Mŋari. Ipapo akati kwandiri: Usazarira mashoko okuprofita kwebuku iyi, nokuti ŋguʋa yaʋa pedyo. Usina‐kururama ŋgaarambe aciita ɀisakarurama; unetȿina, ŋgaarambe aciȿiɓiswa; wakarurama ŋgaarambe aciita ɀakarurama; mutȿene ŋgaarambe aciitwa mutȿene. Tarirai, ndinokurumidza kuʋuya; muɓairo waŋgu ndinawo, kuti ndipe mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata. Ndini Arfa neOmega, wokutaŋga nowokupedzisira, kutaŋga nokuguma. Ʋanosuka ŋguʋo dzaʋo ʋakaropafadzwa, kuti ʋaʋe nesimba rokuʋuya kumuti woʋupenyu, ʋapinde napamasuʋo eguta. Kunze ndiko kunembga, naʋaroyi, nemhombge, naʋaʋurayi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoɗa nhema ʋacidziita. Ini Jesu, ndakatuma mutumŋa waŋgu, kuti akupupurirei iɀoɀi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDavidi, nyamasase inopenya. Mŋeya nomŋeŋga ʋanoti: Ʋuya! Naiye unonzwa ŋgaati: Ʋuya! Unenyota ŋgaaʋuye. Unoɗa ŋgaatore mvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi. Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko okuprofita kwebuku iyi, ndiciti: Kana munhu akawedzera paɀinhu iɀi, Mŋari ucawedzera kwaari maɗambudziko akanyorwa mubuku iyi; kana munhu akabvisa mashoko ebuku yokuprofita uku, Mŋari ucabvisa mugoʋe wake pamuti woʋupenyu, nomuguta dɀene, napaɀinhu ɀakanyorwa mubuku iyi. Iye unopupura iɀoɀi unoti: Hoŋo, ndinokurumidza kuʋuya. Ameni, ʋuyai Ishe Jesu. Nyasha dzaShe Jesu ŋgadziʋe naʋose. Ameni.
Zvakazarurwa 22:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)