Zvakazarurwa 20:12-15
Zvakazarurwa 20:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku. Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.
Zvakazarurwa 20:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro choushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata. Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto. Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku youpenyu, akakandirwa mudziva romoto.
Zvakazarurwa 20:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndopandakazoona vafi, vakuru navaduku vakamira pamberi pechigaro choumambo. Mabhuku akazarurwa. Kwakazarurwawo rimwe bhuku. Iroro ndiro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku iwayo zvichifambirana nezvavakanga vaita. Gungwa rakaburitsa vakafa vaiva mariri. Rufu nenzvimbo yavafi zvakaburitsawo vakafa vakanga vari mazviri; vose vakatongwa maererano nezvavakanga vaita. Rufu nenzvimbo yorufu zvakakandwa muzidziva romoto. Urwu ndirwo rufu rwechipiri; dziva romoto. Kana zita romunhu rikashaikwa risina kunyorwa mubhuku iroro roupenyu, munhu iyeyo anokandwa mudziva riya romoto.
Zvakazarurwa 20:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ndakaʋona ʋakafa, ʋaɗuku naʋakuru, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe; buku dzikazarurwa, neimŋe buku yoʋupenyu ikazarurwa; ʋakafa ʋakatoŋgwa neɀakaŋga ɀakanyorwa mubuku, seɀaʋakaɓata. Guŋgwa rikaɓuɗisa ʋakafa ʋakaŋga ʋari mariri; norufu neHadesi ɀikaɓuɗisa ʋakafa ʋakaŋga ʋari maɀiri; mumŋe nomumŋe akatoŋgwa seɀaakaɓata. Ipapo rufu neHadesi ɀakakandirwa mudziʋa romŋoto. Ndirwo rufu rwecipiri, ndiro dziʋa romŋoto. Ɀino kana munhu akawanikwa asina‐kunyorwa mubuku yoʋupenyu, wakakandirwa mudziʋa romŋoto.
Zvakazarurwa 20:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)