Zvakazarurwa 20:1-6
Zvakazarurwa 20:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru. Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru. Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga. Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.
Zvakazarurwa 20:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika-dzika, nengetani huru muruoko rwake. Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhori naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzikadzika akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera; shure kwaizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chiduku. Ipapo ndakaona zvigaro zvoushe; vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikaona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma dzavo naparuoko rwavo; vakararama vakabata ushe pamwechete naKristu makore ane gumi ramazana. Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore ane gumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutanga. Munhu anomugove pakumuka kwokutanga akaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harune simba pamusoro paivava; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwechete naye makore ane gumi ramazana.
Zvakazarurwa 20:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazoona mumwe mutumwa achiburuka kudenga akabata muruoko rwake kiyi yegomba risina parinoperera nengetani huru. Akabata zigaranyanya riya, zinyoka rapasichigare riya rinonzi Dhiabhori kana kuti Satani ndokumusunga kwamakore ane chiuru ndokumukanda mugomba riya. Akarizarira ndokumunamiriramo kuti aregezve kunyengedza marudzi kusvikira makore ane chiuru aya apera. Mushure maizvozvo anofanira kumbosunungurwa kwenguva diki. Zvino ndakazoona zvigaro zvoumambo. Vakanga vagere pazviri ndivo vakapiwa simba rokutonga uye ndakaonawo mweya yavavo vakanga vadimburwa musoro pamusana pokupupurira kwavo Jesu uye pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokuti havana kunamata chikara kana kunamata chifananidzo chacho kana kuiswa mucherechedzo wacho pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakamukazve vakatonga naKristu kwechiuru chamakore. Vamwe vafi vose havana kumuka kusvikira chiuru chamakore chiya chapera, uku ndiko kumuka muvafi kokutanga. Akakomborerwa zvake uye mutsvene munhu uyo anenge ari mumwe waavo vapakumuka kokutanga ikoko. Pane vakadai, rufu rwechipiri haruna simba asi vachava vapristi vaMwari naKristu, vachatonga naiye kwechiuru chamakore.
Zvakazarurwa 20:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona mutumŋa aciɓuruka kuɗeŋga, anekiyi yegomba rakadzika‐dzika, neketani huru muruʋoko rwake. Akaɓata shato, nyoka yakare, ndiye Diaborosi naSatani, akamusuŋga makore anegumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzika‐dzika, akamupfigira’mo, akaisa cisimbiso pamsoro pake, kuti arege kuzonyeŋgera marudzi kuȿikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaiɀoɀo unofanira kusunuŋgurwa ciŋguʋa ciɗuku. Ipapo ndakaʋona ɀigaro ɀoʋushe, ʋakagara pamsoro paɀo, ʋakapiwa simba rokutoŋga; ndikaʋona mŋeya yaʋakaŋga ʋagurwa misoro nokuɗa kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMŋari, naʋose ʋasina‐kunamata cikara kana mufananidzo waco, ʋasina‐kupiwa ciratidzo pahuma dzaʋo naparuʋoko rwaʋo; ʋakararama ʋakaɓata ʋushe pamŋe cete naKristu makore anegumi ramazana. Ʋamŋe ʋakafa haʋanakurarama kuȿikira makore anegumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutaŋga. Munhu unomugoʋe pakumuka kwokutaŋga wakaropafadzwa, mutȿene; rufu rwecipiri harunesimba pamsoro paiʋaʋa; asi ʋacaʋa ʋaprista ʋaMŋari naʋaKristu, ʋacaɓata ʋushe pamŋe cete naye makore anegumi ramazana.
Zvakazarurwa 20:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)