Zvakazarurwa 20:1-12
Zvakazarurwa 20:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika-dzika, nengetani huru muruoko rwake. Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhori naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzikadzika akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera; shure kwaizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chiduku. Ipapo ndakaona zvigaro zvoushe; vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikaona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma dzavo naparuoko rwavo; vakararama vakabata ushe pamwechete naKristu makore ane gumi ramazana. Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore ane gumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutanga. Munhu anomugove pakumuka kwokutanga akaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harune simba pamusoro paivava; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwechete naye makore ane gumi ramazana. Zvino kana makore ane gumi ramazana apera, Satani achasunungurwa mutorongo yake, achabuda kundonyengera marudzi ose ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire kundorwa; kuwanda kwavo kwakaita sejecha regungwa. Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yavatsvene neguta rinodikanwa; ipapo moto wakaburuka uchibva kudenga; ukavaparadza. Zvino Dhiabhori, akavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesuriferi, pane chikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati nousiku nokusingaperi-peri. Zvino ndakaona chigaro choushe chikuru chichena, naiye akanga agere pamusoro pacho, nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikasawanirwa nzvimbo. Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro choushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
Zvakazarurwa 20:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndakazoona mumwe mutumwa achiburuka kudenga akabata muruoko rwake kiyi yegomba risina parinoperera nengetani huru. Akabata zigaranyanya riya, zinyoka rapasichigare riya rinonzi Dhiabhori kana kuti Satani ndokumusunga kwamakore ane chiuru ndokumukanda mugomba riya. Akarizarira ndokumunamiriramo kuti aregezve kunyengedza marudzi kusvikira makore ane chiuru aya apera. Mushure maizvozvo anofanira kumbosunungurwa kwenguva diki. Zvino ndakazoona zvigaro zvoumambo. Vakanga vagere pazviri ndivo vakapiwa simba rokutonga uye ndakaonawo mweya yavavo vakanga vadimburwa musoro pamusana pokupupurira kwavo Jesu uye pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokuti havana kunamata chikara kana kunamata chifananidzo chacho kana kuiswa mucherechedzo wacho pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakamukazve vakatonga naKristu kwechiuru chamakore. Vamwe vafi vose havana kumuka kusvikira chiuru chamakore chiya chapera, uku ndiko kumuka muvafi kokutanga. Akakomborerwa zvake uye mutsvene munhu uyo anenge ari mumwe waavo vapakumuka kokutanga ikoko. Pane vakadai, rufu rwechipiri haruna simba asi vachava vapristi vaMwari naKristu, vachatonga naiye kwechiuru chamakore. Panopera chiuru chamakore Satani achasunungurwa mujeri rake. Achabuda kundonyengedza marudzi ari kumativi mana enyika, Ndivo vana Gogu nanaMagogu achavaunganidzira kurwa hondo vakawanda sejecha regungwa. Vachafamba nenyika yose, vakakomberedza musasa wavatsvene neguta rapamwoyo asi moto uchatozomoka mudenga uchivaroromesa. Dhiabhori akanga avanyengedza achakandwa muzidziva romoto nesarufa mune chikara chiya nomuporofita wenhema uya, vachaoneswa nhamo siku nesikati narini narini. Ndakazoona chigaro chikuru chichena choumambo naiye akanga agerepo. Nyika nedenga zvakatiza kubva paari zvakabva zvava zvinhu pasina. Ndopandakazoona vafi, vakuru navaduku vakamira pamberi pechigaro choumambo. Mabhuku akazarurwa. Kwakazarurwawo rimwe bhuku. Iroro ndiro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku iwayo zvichifambirana nezvavakanga vaita.
Zvakazarurwa 20:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru. Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru. Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga. Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru. Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa. Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza. Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo. Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.
Zvakazarurwa 20:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazoona mumwe mutumwa achiburuka kudenga akabata muruoko rwake kiyi yegomba risina parinoperera nengetani huru. Akabata zigaranyanya riya, zinyoka rapasichigare riya rinonzi Dhiabhori kana kuti Satani ndokumusunga kwamakore ane chiuru ndokumukanda mugomba riya. Akarizarira ndokumunamiriramo kuti aregezve kunyengedza marudzi kusvikira makore ane chiuru aya apera. Mushure maizvozvo anofanira kumbosunungurwa kwenguva diki. Zvino ndakazoona zvigaro zvoumambo. Vakanga vagere pazviri ndivo vakapiwa simba rokutonga uye ndakaonawo mweya yavavo vakanga vadimburwa musoro pamusana pokupupurira kwavo Jesu uye pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokuti havana kunamata chikara kana kunamata chifananidzo chacho kana kuiswa mucherechedzo wacho pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakamukazve vakatonga naKristu kwechiuru chamakore. Vamwe vafi vose havana kumuka kusvikira chiuru chamakore chiya chapera, uku ndiko kumuka muvafi kokutanga. Akakomborerwa zvake uye mutsvene munhu uyo anenge ari mumwe waavo vapakumuka kokutanga ikoko. Pane vakadai, rufu rwechipiri haruna simba asi vachava vapristi vaMwari naKristu, vachatonga naiye kwechiuru chamakore. Panopera chiuru chamakore Satani achasunungurwa mujeri rake. Achabuda kundonyengedza marudzi ari kumativi mana enyika, Ndivo vana Gogu nanaMagogu achavaunganidzira kurwa hondo vakawanda sejecha regungwa. Vachafamba nenyika yose, vakakomberedza musasa wavatsvene neguta rapamwoyo asi moto uchatozomoka mudenga uchivaroromesa. Dhiabhori akanga avanyengedza achakandwa muzidziva romoto nesarufa mune chikara chiya nomuporofita wenhema uya, vachaoneswa nhamo siku nesikati narini narini. Ndakazoona chigaro chikuru chichena choumambo naiye akanga agerepo. Nyika nedenga zvakatiza kubva paari zvakabva zvava zvinhu pasina. Ndopandakazoona vafi, vakuru navaduku vakamira pamberi pechigaro choumambo. Mabhuku akazarurwa. Kwakazarurwawo rimwe bhuku. Iroro ndiro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku iwayo zvichifambirana nezvavakanga vaita.
Zvakazarurwa 20:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona mutumŋa aciɓuruka kuɗeŋga, anekiyi yegomba rakadzika‐dzika, neketani huru muruʋoko rwake. Akaɓata shato, nyoka yakare, ndiye Diaborosi naSatani, akamusuŋga makore anegumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzika‐dzika, akamupfigira’mo, akaisa cisimbiso pamsoro pake, kuti arege kuzonyeŋgera marudzi kuȿikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaiɀoɀo unofanira kusunuŋgurwa ciŋguʋa ciɗuku. Ipapo ndakaʋona ɀigaro ɀoʋushe, ʋakagara pamsoro paɀo, ʋakapiwa simba rokutoŋga; ndikaʋona mŋeya yaʋakaŋga ʋagurwa misoro nokuɗa kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMŋari, naʋose ʋasina‐kunamata cikara kana mufananidzo waco, ʋasina‐kupiwa ciratidzo pahuma dzaʋo naparuʋoko rwaʋo; ʋakararama ʋakaɓata ʋushe pamŋe cete naKristu makore anegumi ramazana. Ʋamŋe ʋakafa haʋanakurarama kuȿikira makore anegumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutaŋga. Munhu unomugoʋe pakumuka kwokutaŋga wakaropafadzwa, mutȿene; rufu rwecipiri harunesimba pamsoro paiʋaʋa; asi ʋacaʋa ʋaprista ʋaMŋari naʋaKristu, ʋacaɓata ʋushe pamŋe cete naye makore anegumi ramazana. Ɀino kana makore anegumi ramazana apera, Satani ucasunuŋgurwa mutoroŋgo yake, ucaɓuɗa kundonyeŋgera marudzi ose ari kumatiʋi manna enyika, iʋo Gogi naMagogi, aaʋuŋganidzire kundorwa; kuwanda kwaʋo kwakaita sejeca reguŋgwa. Ʋakakwira pakufara kwenyika, ʋakakomba misasa yaʋatȿene neguta rinoɗikanwa; ipapo mŋoto wakaɓuruka ucibva kuɗeŋga, ukaʋaparadza. Ɀino Diaborosi, wakaʋanyeŋgera, akakandwa mudziʋa romŋoto nesurferi, panecikara nomuprofita wenhema, kuti ʋarwadzwe masikati noʋusiku nokusiŋgaperi‐peri. Ɀino ndakaʋona cigaro coʋushe cikuru cicena, naiye wakaŋga agere pamsoro paco, iye, nyika neɗeŋga ɀakatiza pamberi pake, ɀikasawanirwa nɀimbo. Ipapo ndakaʋona ʋakafa, ʋaɗuku naʋakuru, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe; buku dzikazarurwa, neimŋe buku yoʋupenyu ikazarurwa; ʋakafa ʋakatoŋgwa neɀakaŋga ɀakanyorwa mubuku, seɀaʋakaɓata.