Zvakazarurwa 2:8-17
Zvakazarurwa 2:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga neWokupedzisira, akafa uye akararamazve. Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani. Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri. “Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose. Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani. Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe. Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti. Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira.
Zvakazarurwa 2:8-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paSimirina, uti: “Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, akanga afa, akararamazve: “Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, (asi uri mupfumi), nokutuka kwaivo vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani, usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhori woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muedzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yohupenyu. “Ane nzveve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; anokunda, haangakuvadzwi norufu rwechipiri. “Nyorera mutumwa wekereke iri paPerigamo, uti: “Zvanzi naiye anomunondo, unopinza, unocheka kwose: Ndinoziva paunogara, ndipo pane chigaro choushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAndipasi, chapupu changu, munhu wangu akatendeka, akaurawa pakati penyu, apo panogara Satani. Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, akadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsiraeri, nokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita upombwe. Nokudaro una vamwewo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti. Naizvozvo tendeuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa.
Zvakazarurwa 2:8-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuSimuna, mazwi owokutanga nowokupedzisira, akafa asi akazomuka. Nhamo dzako ndinodziziva nourombo hwako ndinouziva; asi iwe uri mupfumi zvako uye ndinoziva kureverwa makuhwa kwaunoitwa navavo vanozviti tiri vaJudha asi ivo vasiri, chavari chaicho isangano raSatani. Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda, rufu rwechipiri haruna charunomuita. “Nyorera mutumwa wesangano rokuPerigamumu mazwi ouyo ane bakatwa romucheka kose uti, ‘Maunogara ndinomuziva, mumuzinda waSatani wakaramba wakangoti kwati–kwati nezita rangu. Hauna kukanda pasi chitendero changu kunyange pamazuva aAntipasi mupupuriri wangu. Munhu wangu akatendeka, uya akauraiwa pakati penyu mumusha imomo maSatani.’ Asi ndine zvimwe zvishomanana zvandisingadi pauri. Ikoko muna vamwe vanotevera chidzidziso chaBharamu akarairidza Bharaki kufurira vaIsiraeri kuchitadzo kuti vadye chokudya chakanga chapirwa kuzvifanananidzo uye kuita unzenza. Uyezve una vamwe vanotevera zvidzidziso zvevekwaNikoraitesi. Nezvo pinduka; pasina izvozvo, ndichakuvinga ndizovarwisa nebakatwa romuromo wangu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo dombo jena nezita idzva rakanyorwa padombo iroro, zita risina anoriziva, kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira.
Zvakazarurwa 2:8-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paSmirna, uti: Ɀanzi naiye wokutaŋga nowokupedzisira, wakaŋga afa, akararama ɀe: Ndinoziʋa kutambudzika kwako noʋurombo bgako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaiʋo ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi isinagoge raSatani, usatya iɀo ɀaucatambudzika naɀo. Tarira, Diaborosi woɗo‐kuisa ʋamŋe ʋenyu mutoroŋgo, kuti muidzwe; mucatambudzika mazuʋa anegumi. Uʋe wakatendeka kuȿikira parufu, ndigokupa korona yoʋupenyu. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke; unokunda, haaŋgakuʋadzwi norufu rwecipiri. Nyorera mutumŋa wekereke iri paPergamo, uti: Ɀanzi naiye unomunondo, unopinza, unoceka kwose: Ndinoziʋa paunogara, ndi’po panecigaro coʋushe caSatani; wakaɓatisisa zita raŋgu, ukasaramba kutenda kwaŋgu, kunyaŋge napamazuʋa aAntipasi, capupu caŋgu, munhu waŋgu wakatendeka, wakaʋurawa pakati penyu, apo panogara Satani. Asi handifari neɀimŋe ɀinhu ɀishoma kwauri, nokuti unaʋamŋe’po ʋanoɓatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Baraki kuisa cigumbuso pamberi paʋana ʋaIsraeri, cokuti ʋadye ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, nokuita ʋupombge. Nokuɗaro unaʋamŋe ʋo ʋanoɓatisisa saiɀoɀo dzidziso yaʋaNikoraiti. Naiɀoɀo tendeʋuka; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicakurumidza kuʋuya kwauri, ndigorwa naʋo nomunondo womuromo waŋgu. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Unokunda, ndicamupa mana yakaʋanzika, ʋuye ndicamupa ibge jena, napabge iro zita idɀa rakanyorwa’po, risiŋgazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
Zvakazarurwa 2:8-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)