Zvakazarurwa 2:20-21
Zvakazarurwa 2:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka.
Zvakazarurwa 2:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesabheri, anozviidza muporofitakadzi, uye anodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo. Ndakamupa nguva kuti atendeuke; akaramba kutendeuka pakufeva kwake.
Zvakazarurwa 2:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi chandisingadi pauri ndechichi chokuti unoregerera mukadzi uyu Jezebhero anozviti muporofitakadzi asi achidzidzisa nokufurira varanda vangu kuita ufeve nokudya chokudya chakapirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokuti apinduke asi ari kuramba kusiyana nounzenza hwake.
Zvakazarurwa 2:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unoɀiidza muprofitakadzi, ʋuye unodzidzisa nokutsausa ʋaranda ʋaŋgu, kuti ʋaite ʋupombge, nokudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo. Ndakamupa ŋguʋa kuti atendeʋuke; akaramba kutendeʋuka pakufeʋa kwake.
Zvakazarurwa 2:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)