Zvakazarurwa 19:11-12
Zvakazarurwa 19:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo. Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga.
Zvakazarurwa 19:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakaona kudenga kwakazarurwa, ndikaona bhiza jena; naiye akanga agere pamusoro paro akanzi: Akatendeka noWechokwadi; anotonga nokurwa zvakarurama. Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga pane korona zhinji; wakanga ane zita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.
Zvakazarurwa 19:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ndipo pandakaona denga razarurwa ndikaona bhiza jena. Akanga akaritasva ainzi Kutendeka uye Chokwadi anotonga noururami uye anorwa hondo. Maziso ake akaita serimi romoto pamusoro wake pane ngundu dzakawanda uye akanga ane zita rakanyorwa risingazivikanwi nani zvake asi iye oga.
Zvakazarurwa 19:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ndakaʋona kuɗeŋga kwakazarurwa, ndikaʋona biza jena; naiye wakaŋga agere pamsoro paro wakanzi: Wakatendeka noWaɀokwaɗi; unotoŋga nokurwa ɀakarurama. Meso ake akaŋga akaita somuraɀo womŋoto; pamusoro wake pakaŋga panekorona zhinji; wakaŋga anezita rakanyorwa, risina‐kuzikanwa nomunhu, asi naiye ɓedzi.
Zvakazarurwa 19:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)