Zvakazarurwa 18:4-24
Zvakazarurwa 18:4-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro, kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo; nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga, uye Mwari arangarira mhosva dzaro. Ritsivei semabasa arakaita; ritsivei kaviri pane zvarakaita. Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro. Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita. Rinozvikudza mumwoyo maro richiti, ‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi, uye handingatongochemi.’ Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti: rufu, kuchema, nenzara. Achaparadzwa nomoto, nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru. “Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro. Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, Iwe Bhabhironi, guta resimba! Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’ “Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve, nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana; nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu. “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’ Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza uye vachadanidzira vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku, uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera! Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’ “Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure. Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’ Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru, vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro! Muawa imwe chete, raparara! Farai pamusoro paro, imi denga! Farai, vatsvene navapostori navaprofita! Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ” Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati: “Nechisimba chakadai guta guru reBhabhironi richakandwa pasi, risingazombowanikwazve. Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda, hakuchazonzwikwazve mauri. Hakuna munhu webasa ripi zvaro achazowanikwazve mauri. Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri. Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwazve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa. Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene, neravose vakaurayiwa panyika.”

Zvakazarurwa 18:4-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakanzwa rimwe izwi rinobva kudenga, richiti, “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari arangarira zvisakarurama zvaro. Muritsive parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridirire kaviri. “Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumwoyo maro, ‘Ndinogara pachigaro choushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongooni kuchema.’ “Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari anoritonga, ane simba.” Madzimambo enyika, akaita upombwe nokuzvifadza naro, achiona hutsi hokupiswa kwaro; ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti, “Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.” Vatengesi venyika vacharira nokuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu anotenga nhumbi dzavo; nhumbi dzendarama, nesirivha, nedzamambwe anokosha, nedzamapera nedzomucheka wakanaka, nedzemicheka mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava, namarudzi ose emiti inonhuwira, namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzamabwe machena; nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribhanoni, newaini, namafuta omuorivhi, nohupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabhiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu. Michero yaidikanwa nomwoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya, zvakabva kwauri, vanhu havangatongozozviwanizve. Vatengesi vezvinhu izvi, vakanga vafumiswa naro, vachamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachirira nokuchema, vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namapera! Nokuti nenguva imwe pfuma huru yakadai yaparadzwa.” Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure, vakadanidzira vachiona hutsi hwokutsva kwaro, vachiti, “Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko?” Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.” Farai pamusoro paro iwe denga, nemi vatsvene navapostori, navaporofita, nokuti Mwari akaritongera kutongwa kwenyu. Zvino mumwe mutumwa ane simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti, “Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikatongowanikwazve. Nezwi ravanoridza madimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nezwi reguyo harichatongonzwiki mauri; chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nezwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti nouroyi hwako marudzi ose akanyengerwa.” Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.
Zvakazarurwa 18:4-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakanzwazve rimwe izwi richibva kudenga richiti, “Budai mariri vanhu vangu. Mungadaro mukazoitawo zvitadzo zvaro mukapinda mupfumvu dzaro nokuti zvitadzo zvaro zvakaita murwi unosvika kudenga. Mwari akayeuka huipi hwaro. Achariitira zvarakaitirawo vamwe achiridzorera kakapetwa, zviito zvaro. Riitirei zvarakakuitirai muridzorere kakapetwa zviito zvaro muripe waini inokaripa zvakapetwa kaviri. Rionesei nhamo murirwadzise zvakaenzana nembiri namafaro arakazvipa. Zvarinozviti nechomumwoyo, ‘Ndigere zvangu samambokadzi, handisi chirikadzi, kuchema handimbofa ndakachema.’ Pfumvu dzaro dzichariwira nezuva rimwechete, dzinoti rufu, kuchema rufu, neshangwa yenzara uye richapiswa nomoto nokuti Mwari anoritonga ane simba guru.” Madzimambo apanyika akaita upombwe nounzenza naro vacharichema vachiungudza pavachaona kutogoka utsi hwokutsva kwaro. Vachamira kure uko nokutya matambudziko aro vachiti, “Maiwe! Maiwe! Nhaiwe guta guru, iwe guta rakasimba, Bhabhironi zvakuwana neawa imwechete.” Veshawo dzokutengeserana vapanyika vanorichema vachiungudza nokuti hapana achatenga zvinhu zvavo; zvinhu zvavo izvi zvinoti: ndarama nesirivha nezvishongo namapera kwoti machira erineni yakanakisisa neeruvara rwohute neesirika namatsvuku, kwouya mapuranga anonhuwirira akasiyana–siyana, kozouya mhando nemhando yezvinhu zvakavezwa nenyanga dzenzou; kozoti zvinhu zvakagadzirwa nemiti inokosha zvakaitwa nendarira nesimbi kana namatombo anokosha; kuchizoti chinamoni, netwekubikisa tunonhuwirira; kotiwo rusenzi nemura norusenzi rune kakunhuwirira kakanakisa kwazvo; kuchizouya waini namafuta noupfu hwekoroni hwakatsetseka uye nekoroni kuchiuyawo mombe nehwai namabhiza nengoro dzehondo ndokuchizouyawo nhapwa zvichireva vanhu. Vanoti zvawaida kuwana namafaro ako zvakusiya, hudobori hwako namafaro ako zvakupesa hauchambozviwanazve. Veshawo dzokutengeserana ivava vakawana upfumi mariri vachamira kure uko nokutya nokuoneswa nhamo kwaro vacharichema vachiungudza zvinonzwika vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakanga rakapfeka rineni yakanakisisa nehanzu dzoruvara rwohute netsvuku rakashongedzwa nendarama nezvishongo namapera.” Neawa imwechete, upfumi hwose uhu hwaparara. Vatungamiriri vengarava navanhu vanofamba nzendo nengarava navafambisi vengarava navose vanoshava mari vachishandisa nyanza, vakamira kure uko, vakachema zvinonzwisa tsitsi pavakaona utsi hwokutsva kwaro. “Nderipi guta ringaenzaniswe neguta iri guru?” Vakazvidira ivhu mumusoro vachichema vachiungudza vachiridza mhere vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakapfumisa vose vaiva nengarava munyanza, neawa imwechete raparara. Imi matenga nemi vatsvene nemi vapositori nemi vaporofita ritii, ‘Tsvatu waro.’ Itii nomufaro kwariri, ‘Tsvatu waro.’ Nokuti Mwari akaripa chirango pamusoro pezvarakakuitirai.” Mutumwa ane simba guru akatora dombo rakakura seguyo akarikanda mugungwa achiti, “Ndiko kukundwa zvine utsinye kuchaitwa Bhabhironi guta guru marisingazombowanikwazve.” Mumhanzi wevemadimbwa newavaimbi newevenyere newevemabhosvo hauchazombonzwiki mauri uyewo mhizha youmhizha hupi zvaho, hauchazombowanikwamo uyezve mauri hamuchazombonzwika ruzha rwokukuya. Kana mwenje werambi hauchabvirazve mauri. Mauri hamuchazombonzwikazve izwi romukuwasha kana romuroora nokuti veshawo dzokutengeserana vako vanga vari madzichangamire apanyika. Marudzi ose akanyengedzwa nouroyi hwako. Mariri makawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene neravose vakauraiwa pasi pano.
Zvakazarurwa 18:4-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakanzwa rimŋe inzwi rinobva kuɗeŋga, riciti: Ƃuɗai mariri, ʋanhu ʋaŋgu, kuti murege kuwadzana naro paɀiʋi ɀaro, mugorega kupiwa maɗambudziko aro. Nokuti ɀiʋi ɀaro ɀaȿika kuɗeŋga, Mŋari waraŋgarira ɀisakarurama ɀaro. Muritsiʋei parakakutsiʋai napo, muciriitira kaʋiri parakaɓata napo; mumudziyo iwoyo marakaɗira iro, muriɗirire kaʋiri. Parakaɀikudza nokuɀifadza napo, murirwadzise nokuricemedza; nokuti rinoti mumŋoyo maro: Ndinogara pacigaro coʋushe ndiri ʋahosi, handizi cirikadzi, handiŋgatoŋgoʋoni kucema. Saka maɗambudziko aro acaȿika nezuʋa rimŋe, rufu, nokucema, nenzara; ricapiswa kwaɀo nomŋoto, nokuti Ishe Mŋari unoritoŋga, unesimba. Madzimambo enyika, akaita ʋupombge nokuɀifadza naro, acarira nokucema pamsoro paro, kana aciʋona ʋutsi bgokupiswa kwaro; iʋo ʋamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, ʋaciti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Babironi, guta rakasimba! Nokuti kutoŋgwa kwako kwakaȿika neŋguʋa imŋe. Ʋateŋgesi ʋenyika ʋacarira nokucema pamsoro paro, nokuti hakucinomunhu unoteŋga nhumbi dzaʋo; nhumbi dzendarama, nesirveri, nedzamabge anokosha, nedzamaparera nedzomuceka wakanaka, nedzemiceka mitȿuku, nedzesiriki, nedzemiceka mishaʋa, namarudzi ose emiti inonhuwira, namarudzi ose emidziyo yenyaŋga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzeɗare, nedzamabge macena; nekinamoni, nomuamumoni, neɀinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivi, noʋupfu bgakatsetseka, neɀiyo, neŋombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzeŋgoro, nedzaʋatapxa, nedzemŋeya yaʋanhu. Micero yaiɗikanwa nomŋoyo wako, yakabva kwauri, neɀinhu ɀose ɀakanaka neɀinopenya, ɀakabva kwauri, ʋanhu haʋaŋgatoŋgoɀiwani ɀe. Ʋateŋgesi ʋeɀinhu iɀi, ʋakaŋga ʋafumiswa naro, ʋacamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, ʋacirira nokucema, ʋaciti: Nhamo, nhamo, guta guru rakaŋga rakapfeka muceka wakanaka, mutȿuku nomushaʋa, rakaŋga rakashoŋga ndarama, namabge anokosha, namaparera! Nokuti neŋguʋa imŋe fuma huru yakaɗai yaparadzwa. Ɀino ʋafambisi ʋose ʋeɀikepe, naʋose ʋanofamba neɀikepe papi napapi, naʋafambi naʋaɓati paguŋgwa, ʋakamira kure, ʋakaɗanidzira ʋaciʋona ʋutsi bgokutȿa kwaro, ʋaciti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko? Ipapo ʋakakandira guruʋa pamisoro yaʋo, ʋakaɗanidzira ʋacirira nokucema, ʋaciti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa neɀinokosha ɀaro ʋose ʋaiʋa neɀikepe ɀaʋo paguŋgwa; nokuti rakaparadzwa neŋguʋa imŋe. Farai pamsoro paro iwe ɗeŋga, nemi ʋatȿene naʋaapostora, naʋaprofita, nokuti Mŋari wakaritoŋgera kutoŋga kwenyu. Ɀino mumŋe mutumŋa unesimba akasimudza ibge rakaita seguyo guru, akarikandira muguŋgwa, aciti: Saiɀoɀo guta guru, Babironi, ricaputsirwa pasi nesimba, rikasatoŋgowanikwa ɀe. Nenzwi raʋanoridza ʋuɗimbga, neraʋanoimba, neraʋanoridza nyere, neraʋanoridza hwamanda, haricatoŋgonzwiki mauri, nemhizha yeɓasa ripi neripi haicatoŋgowanikwi mauri, nenzwi reguyo haricatoŋgonzwiki mauri; ciedza comŋenje hacicatoŋgovenekeri mauri, nenzwi recikomba kana romŋeŋga haricatoŋgonzwiki mauri; nokuti ʋateŋgesi ʋako ʋaiʋa ʋakuru ʋenyika; nokuti noʋuroyi bgako marudzi ose akanyeŋgerwa. Mukati maro mukawanikwa ropa raʋaprofita neraʋatȿene, neraʋose ʋakaʋurawa panyika.
Zvakazarurwa 18:4-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)