Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 1:4-20

Zvakazarurwa 1:4-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Johani, kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe, nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika. Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake, uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari naBaba vake, ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni. Tarirai, ari kuuya namakore, uye meso ose achamuona, kunyange naivo vakamubaya; uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Saka zvichaita saizvozvo! Ameni. “Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.” Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu. Pazuva raShe, ndakanga ndiri muMweya, uye ndikanzwa mushure mangu inzwi guru rinenge rehwamanda, richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.” Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje, uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake. Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji. Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose. Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira. Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi. “Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi. Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe.

Zvakazarurwa 1:4-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Johani kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kuna iye aripo, wakanga aripo, noachazovapo; nokune mweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe; nokuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye anotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake, akatiita ushe, navapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Tarirai, anouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongu, Ameni. Ndini Arifa naOmega, ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, aripo, akanga aripo, noachazovapo, waMasimbaose. Ini Johani, hama yenyu, mugoverani pamwechete nemi pakutambudzika, noushe, nokutsungirira muna Jesu, ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nokuda kweshoko raMwari, nokwokupupura kwaJesu. Ndakanga ndiri muMweya nezuva raIshe, ndikanzwa shure kwangu izwi guru, rinenge serehwamanda, richiti, “Izvo zvaunoona, zvinyore mubhuku, uzvitumire kereke nomwe, paEfeso, napaSimirina, napaPerigamo, napaTiatira, napaSadhisi, napaFiradherifia, napaRaodhikia.” Ndikatendeuka kuti ndione izwi rakataura neni. Ndakati ndatendeuka, ndikaona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama; napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachipfuva nebhanhire rendarama. Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto; tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; izwi rake rakanga rakaita sezwi remvura zhinji. Muruoko rwake rworudyi akanga akabata nyeredzi nomwe; mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kwose; chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro. Ndakati ndichimuona, ndikawira pasi patsoka dzake sendinenge ndafa; akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu, akati, “Usatya, ndini wokutanga nowokupedzisira, naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri; ndine kiyi dzorufu neHadhesi. Naizvozvo nyora zvawaona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi; vakavanzika venyeredzi nomwe dzawaona muruoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndizvo kereke nomwe.

Zvakazarurwa 1:4-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndini Johani ndinokunyorerai imi masangano manomwe okuAsia ndichiti: Dai chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare changova nemi chichibva kuna iye aripo, akanga aripo uye achazovapo, uyewo chichibva kumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choumambo, uyezve chichibva kuna Jesu mupupuri akatendeka, dangwe ravafi, mutongi wamadzimambo apanyika. Iyeyu anotida, akatisunungura kuzvitadzo zvedu neropa rake akaita kuti tive umambo, uye kuti tive vapristi kuna Mwari wake nababa vake, iye ngaawaniswe mbiri nokutonga narini narini. Ameni. Hezvo achauya ari mumakore. Ziso rose richamuona nomunhu wose akamubaya uye marudzi ose apasi pano achamuchema zvikuru. Ngazvive saizvozvo. Ameni. Ndini Arifa naOmega ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari, iye aripo, akanga aripo uye achazovapo, iye Samasimbaose. Ndini Johani hama yenyu ndinoshamwaridzana nemi muna Jesu munhamo uye tiri pasi poumambo humwechete uyezve mukutsungirira kutirira. Ndakanga ndiri pachitsuwa chinonzi Patimosi pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokupupurira Jesu. Ndaiva naMweya pazuva raTenzi ndikanzwa necheshure kwangu kurira kukuru kunenge kwebhosvo richiti, “Nyora mubhuku zvauchaona uzvitumire kumasangano manomwe aya anoti, reEfesusi nereSimuna nerePerigamumu nereTiatira nereSadhisi nereFiradefia nereRaodhekia.” Ndipo pandakatendeuka kuti ndione kuti izwi rani raitaura neni. Pandakatendeuka ndakaona zvigadzikiro zvomwenje zvendarama zvinomwe. Pakati pezvigadzikiro zvinomwe zviya ndakaona akaita soMwanakomana womunhu akanga akapfeka gemenzi rakareba nomudya wendarama padundundu pake. Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zvakachena sewuru chena, uye zvakachena samazaya echando. Maziso ake akanga akaita serimi romoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita somundarira wakakwenenzverwa mubisiro zvokutsvedzerera, izwi rake richiita seruzha rwemvura zhinji. Muruoko rwake rworudyi akanga akabata nyenyedzi nomwe. Mumuromo make makabuda bakatwa romucheka kose rinopinza, uso hwake hwaiita sezuva huchibwinya zvikuru. Pandakamuona ndakawira pasi patsoka dzake sokunge ndafa, asi iye akaisa ruoko rwake rworudyi pandiri achiti, “Usatye, ndini Wokutanga noWokupedzisira. Ndini mupenyu uya, hongu ndakambofa zvangu asi tarisa uone ndava mupenyu nokusingaperi uye ndine kii dzorufu nedzokunzvimbo yavafi. Zvino chipota uchinyora zvaunoona zviripo nezvichazovapo. Pane zvechakavandika ichi, chezvenyenyedzi nomwe, dzawaona muruoko rwangu rworudyi nezvigadzikiro zvinomwe zvendarama; nyenyedzi nomwe ndivo vatumwa vamasangano manomwe, zvigadzikiro zvinomwe ndiwo masangano manomwe.”

Zvakazarurwa 1:4-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Johane kukereke nomŋe dziri paAsia: Nyasha ngadziʋe nemi, norugare, ɀinobva kunaiye uri’po, wakaŋga ari’po, noucazoʋa’po; nokunemŋeya minomŋe iri pamberi pecigaro cake coʋushe; nokunaJesu Kristu, capupu cakatendeka, ɗaŋgwe kuʋakafa, muɓati wamadzishe enyika. Kunaiye unotiɗa, akatisunuŋgura paɀiʋi ɀeɗu neropa rake, akatiita ʋushe, naʋaprista kunaMŋari naƂaɓa ʋake, kwaari ŋgakuʋe kubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Tarirai, unoʋuya namakore, meso ose acamuʋona, naiʋo ʋakamuɓaya; marudzi ose enyika acamucema. Hoŋo, Ameni. Ndini Arfa neOmega, ndiɀo ɀinoreʋa Ishe Mŋari, uri’po, wakaŋga ari’po, noucazoʋa’po, wamasimba ose. Ini Johane, hama yenyu, mugoʋerani pamŋe cete nemi pakutambudzika, noʋushe, nokutsuŋgirira munaJesu, ndakaŋga ndiri paciwi cinonzi Patmosi, nokuɗa kweshoko raMŋari, nokwokupupura kwaJesu. Ndakaŋga ndiri muMŋeya nezuʋa raShe, ndikanzwa shure kwaŋgu inzwi guru, rineŋge serehwamanda, riciti: Iɀo ɀaunoʋona, ɀinyore mubuku, uɀitumire kereke nomŋe, paEfeso, napaSmirna, napaPergamo, napaTiatira, napaSardisi, napaFiraderfia, napaRaodikia. Ndikatendeʋuka kuti ndiʋone inzwi rakataura neni. Ndakati ndatendeʋuka, ndikaʋona ɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama; napakati peɀigadziko ɀemŋenje, mumŋe wakafanana noMŋanakomana womunhu, akafuka ŋguʋo yakaȿikira kutsoka, akaɀisuŋga napacifuʋa nebanhire rendarama. Musoro wake nevudzi rake ɀakaŋga ɀiri ɀicena samakushe macena, secando; meso ake akaita somuraɀo womŋoto; tsoka dzake dzakaŋga dzakafanana nesafuri inopenya, ineŋge yakanatswa muʋira; inzwi rake rakaŋga rakaita senzwi remvura zhinji. Muruʋoko rwake rworudyi wakaŋga akaɓata nyeredzi nomŋe; mumuromo make makaɓuɗa munondo unopinza, unoceka kwose; ciso cake caiʋa sezuʋa rinopenya nesimba raro. Ndakati ndicimuʋona, ndikawira pasi patsoka dzake sendineŋge ndafa; akaisa ruʋoko rwake rworudyi pamsoro paŋgu, akati: Usatya, ndini wokutaŋga nowokupedzisira, naiye Mupenyu; ndakaŋga ndafa, tarira, ndiri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri; ndinekiyi dzorufu neHadesi. Naiɀoɀo nyora ɀawaʋona, neɀiri’po, neɀicazoʋa’po shure kwaiɀoɀi; ɀakaʋanzika ɀenyeredzi nomŋe dzawaʋona muruʋoko rworudyi rwaŋgu, neɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama. Nyeredzi nomŋe ndiʋo ʋatumŋa ʋekereke nomŋe; neɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ndidzo kereke nomŋe.

Zvakazarurwa 1:4-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)