Zvakazarurwa 1:1-3
Zvakazarurwa 1:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani, iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu. Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
Zvakazarurwa 1:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani; wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakaona. Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
Zvakazarurwa 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ndizvo zvakaratidzwa naJesu Kristu zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake, zvichaitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira mutumwa wake kumuranda wake Johani uyo akapupurira izwi raMwari, akapupurawo uchapupu hwaJesu uye zvose zvaakaona. Akakomborerwa zvake uyo anoverenga mazwi okuporofita aya. Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo nokuti nguva yavapedyo.
Zvakazarurwa 1:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀakazarurwa ɀaJesu Kristu, ɀaakapiwa naMŋari, kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu iɀo ɀinofanira kukurumidza kuitwa; akaɀituma nomutumŋa wake, ndokuziʋisa muranda wake Johane; wakapupurira shoko raMŋari, neɀokupupura kwaJesu Kristu, acireʋa ɀose ɀaakaʋona. Wakaropafadzwa uyo unoraʋa, naʋanonzwa mashoko okuprofita, ʋaciceŋgeta ɀakanyorwa imomo, nokuti ŋguʋa yaʋa pedyo.
Zvakazarurwa 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)