Mapisarema 96:11-13
Mapisarema 96:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri; masango ngaafare, nezvose zviri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro; ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake.
Mapisarema 96:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro; Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro; Pamberi paJehovha, nokuti anouya; Nokuti anouya kuzotonga pasi; Achatonga nyika zvakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake.
Mapisarema 96:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Matenga ngaafare, nyika ngaipururudze, gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo, sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo. Miti yomusango ndopaichadaidzira nokufara, kufarira TENZI, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika.
Mapisarema 96:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgakufare, napasi ŋgapafare kwaɀo; Guŋgwa ŋgaritinhire, neɀose ɀiri mukati maro; Saŋgo ŋgariʋe nomufaro, neɀose ɀiri mukati maro; Ipapo miti yose yeɗondo icaimba nomufaro; PamberipaJehova, nokuti unoʋuya; Nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi; Ucatoŋga nyika ɀakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake.
Mapisarema 96:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Matenga ngaafare, nyika ngaipururudze, gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo, sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo. Miti yomusango ndopaichadaidzira nokufara, kufarira TENZI, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika.