Mapisarema 95:3-7
Mapisarema 95:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, Mambo mukuru anokunda vamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo. Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma. Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu. Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu izwi rake!
Mapisarema 95:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose. Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake. Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba. Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu nokuti ndiTENZI wedu isu ndisu vanhu vaanofudza uye tiri hwai dziri mumaoko ake. Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu kuizwi rake.
Mapisarema 95:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake. Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma. Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu; nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye.
Mapisarema 95:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose. Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake. Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba. Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu nokuti ndiTENZI wedu isu ndisu vanhu vaanofudza uye tiri hwai dziri mumaoko ake. Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu kuizwi rake.
Mapisarema 95:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Jehova ndiMŋari mukuru, Mambo mukuru unokunda ʋamŋari ʋose. Nɀimbo dzakadzika dzapasi dziri muruʋoko rwake; Misoro yamakomo ndeyake ʋo. Guŋgwa nderake, ndiye wakariita; Maʋoko ake akaʋumba nyika yakawoma. Ʋuyai, tinamate tikotamire pasi; Ŋgatifugame pamberi paJehova Muiti weɗu. Nokuti ndiye Mŋari weɗu, Isu tiri ʋanhu ʋanofudzwa naye, namakwai oruʋoko rwake. Nhasi ɗai mucinzwa henyu inzwi rake!