Mapisarema 90:2-4
Mapisarema 90:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari. Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.” Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.
Mapisarema 90:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari. Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, “Dzokai vana vavanhu.” Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku.
Mapisarema 90:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makomo asati aberekwa musati masika nyika napasi pose. Muri Mwari narini narini, chingo nechingo. Munopindura munhu kuva huruva munongoti vanhu, “Dzokerai kune zvamakanga muri.” Nokuti churu chamakore kwamuri chakangoita sazuro kana chapfuura kana sakanguvana kokugaririra usiku.
Mapisarema 90:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makomo asati aɀarwa, Musati matoŋgosika nyika nevu, Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi imi muri Mŋari. Munodzosera munhu kuguruʋa; Muciti: Dzokai ʋana ʋaʋanhu. Nokuti kwamuri makore anecuru Akaŋgofanana nezuʋa razuro kana rapfuʋura, Seŋguʋa yokurinda yoʋusiku.
Mapisarema 90:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)