Mapisarema 90:10
Mapisarema 90:10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.
Mapisarema 90:10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
Mapisarema 90:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makore oupenyu hwedu makumi manomwe kune vakasimba vanoita makumi masere asi akanaka acho inongova nhamo namatambudziko, haatani kupera, isuwo tobva tobhururuka toenda.
Mapisarema 90:10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa amakore eɗu anoȿika makore makumi manomŋe, Kana tinesimba makore makumi masere; Asi kunyaŋge acikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo ɓedzi. Nokuti gare‐gare aenda, nesu tabururuka taenda.