Mapisarema 9:16-18
Mapisarema 9:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.
Mapisarema 9:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha wakazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake. Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari. Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.
Mapisarema 9:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI anozviratidza agotonga, vakaipa vachiteiwa nezvavanoita namaoko avo. Moimbira pasi, Dzepfunde Vakaipa vachadzokera kunzvimbo yavakafa. Marudzi ose anokanganwa Mwari. Varombo havachakanganwiki nokusingaperi; chitarisiro chavatamburi hachiparari zvachose.
Mapisarema 9:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova wakaɀiziʋisa, wakatoŋga; Wakaipa wakateyiwa neɓasa ramaʋoko ake. Wakaipa ucadzokera kuSheori, Iʋo ʋahedeni ʋose, ʋakakaŋganwa Mŋari. Nokuti unoshaiwa haaŋgakaŋganikwi nokusiŋgaperi, Nokutarira kwomurombo hakuŋgaperi nokusiŋgaperi.
Mapisarema 9:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)