Mapisarema 9:1-10
Mapisarema 9:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose. Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro. Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu. Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo. Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi. Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara. Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira. Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
Mapisarema 9:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichavonga Jehovha nomwoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa. Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro. Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu. Nokuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama. Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri. Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; Makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara. Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge. Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira. Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.
Mapisarema 9:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose. Ndichaparidza mabasa enyu anoshamisa; ndichafara nokupembera mamuri. Ndicharumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. Kana mhandu dzangu dzopishinuka kudzoka, dzinodzadzarika dzoparara, mberi kwenyu. Nokuti makandirwira pane zvandinokodzera nezvandinochemera, makagara pachigaro chenyu chokutonga muchitonga zvakarurama. Makapa vechirudzi mhosva mukaparadza vakaipa, makadzimawo zita ravo narini narini. Vavengi vakatsvairwa; vava matongo nokusingaperi. Maguta avo angove matongo zvokurangarirwa havachamborangarirwa. TENZI anogara pachigaro chake chokutonga nokusingaperi, akadzika chigaro chake choumambo kuti atonge. Uye, anotonga pasi pose zvakarurama anotongawo marudzi avanhu pachokwadi. TENZI ndiye nzvimbo yokupotera yavanhu vanodzvinyirirwa ndiye nzvimbo yokupotera panguva yenhamo. Vanoziva zita renyu vanovimba nemi nokuti imi TENZI hamufuratiri vanokutsvakai.
Mapisarema 9:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaʋoŋga Jehova nomŋoyo waŋgu wose; Ndicaparidza maɓasa enyu ose anoshamisa. Ndicafara nokukufarirai ɀikuru; Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumsoro‐soro. Kana ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋacidzokera shure, Ʋanogumburwa nokupera pamberi penyu. Nokuti mandiruramisira mhoȿa yaŋgu; Makagara pacigaro coʋushe mucitoŋga nokururama. Makatuka ʋahedeni, makaparadza ʋakaipa, Makadzima zita raʋo nokusiŋgaperi‐peri. Ʋaʋeŋgi ʋakapera, ʋakaparadzwa nokusiŋgaperi; Makaparadza maguta aʋo, Neciyeʋudzo cawo cakaparara. Asi Jehova ugere ari mambo nokusiŋgaperi; Wakagadzira cigaro cake coʋushe kuti atoŋge. Ucatoŋga nyika nokururama, Ucatoŋga ʋanhu ɀakafanira. Jehova ucaʋa nhare yakasimba kunaʋanomanikidzwa, Nhare yakasimba paŋguʋa yokutambudzika. Ʋanoziʋa zita renyu ʋacaʋimba nemi; Nokuti imi Jehova hamuna‐kurasha ʋanokutȿakai.
Mapisarema 9:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)