Mapisarema 89:8-9
Mapisarema 89:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai. Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 89Mapisarema 89:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, Jehovha, Mwari wehondo, Ndianiko ane simba, akafanana nemi, Jehovha? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai. Ndimi munobata kuzvikudza kwegungwa; Kana mafungu aro achisimuka, ndimi munoanyaradza.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 89Mapisarema 89:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI Mwari wehondo nehondo ndiani ane simba semi, TENZI nokutendeka kwenyu uku muna zvose. Imi munotonga kusimuka kwamasaisai, kana osimuka munoanyaradza.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 89Mapisarema 89:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, Jehova, Mŋari wehondo, Ndianiko unesimba, wakafanana nemi, Jehova? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai. Ndimi munoɓata kuɀikudza kweguŋgwa; Kana mafuŋgu aro acisimuka, ndimi munoanyaradza.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 89