Mapisarema 84:11-12
Mapisarema 84:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 84Mapisarema 84:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhoo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama. Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 84Mapisarema 84:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti Mwari izuva nenhoo, anoitira munhu mwoyochena uye anovasimudzira. TENZI hapana chaanonyima munhu anofamba pachokwadi. TENZI wehondo nehondo, akakomborerwa zvake munhu anovimba nemi.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 84