Mapisarema 84:1-12
Mapisarema 84:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose! Mweya wangu unopanga, uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu. Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai. Sera Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri, vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni. Pavanopfuura nomuMupata weBhaka, vanouita nzvimbo yamatsime; mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva. Vanowedzera simba pasimba, kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu; ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu. Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa. Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi.
Mapisarema 84:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, Imi Jehovha wehondo! Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; Mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu. Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; Vachagara vachikurumbidzai. Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri; Anemigwagwa inoenda Zioni mumwoyo make. Kana vachipfuura nomumupata wakaoma, vanouita nzvimbo inamatsime; Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero. Vanowedzera simba pasimba ravo, Mumwe nomumwe wavo anosvika pamberi paMwari paZioni. Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa munyengetero wangu; Tererai nenzeve, Mwari waJakobho. Tarirai, Mwari, nhoo yedu, Muone chiso chomuzodzwa wenyu. Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa. Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhoo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama. Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi.
Mapisarema 84:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakusi kunaka ikoko kwakaita nzvimbo yenyu yamunogara imi TENZI wehondo nehondo. Ndinobva ndatorwa mwoyo chaizvo, ndinodisisa kwazvo mipanda yaTENZI mwoyo wangu nenyama yangu zvinoimbira Mwari mupenyu norufaro. Kunyange nzvidya inowanawo pokugara, kashiri kachizvivakira dendere rako pakanogona kukandirira vana vako kuatari dzenyu imi TENZI wehondo nehondo mambo wangu naMwari wangu. Vakakomborerwa zvavo vanogara mumba menyu vachikurumbidzai. Dzepfunde. Vakakomborerwa zvavo vanowana simba mamuri; vanodisisa migwagwa mikuru inoenda kuguta reZioni. Pavanopfuura nomubani reBhaka vanoriita nzvimbo ine zvisipiti, mvura yemunhuruka inorizadza namadziva. Vanoramba vachingosimba Mwari wavamwari achaonekwa muZioni. TENZI wehondo nehondo inzwai munamato wangu. Teererai imi Mwari waJakobho. Dzepfunde Tarisai muone Mwari nhoo yedu tarirai uso hwomuzodzwa wenyu. Nokuti zuva rimwechete mumipanda yenyu riri nani pane churu chawo kumwe. Zviri nani zvangu kuva muchengeti wapamusuo mumba maMwari wangu panokugara mumatendhe avakaipa. Nokuti Mwari izuva nenhoo, anoitira munhu mwoyochena uye anovasimudzira. TENZI hapana chaanonyima munhu anofamba pachokwadi. TENZI wehondo nehondo, akakomborerwa zvake munhu anovimba nemi.
Mapisarema 84:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋugaro bgenyu ʋunoɗikanwa sei, Imi Jehova wehondo! Mŋeya waŋgu unoshuʋa, ɀirokwaɀo unopaŋga ʋazhe dzaJehova; Mŋoyo waŋgu nenyama yaŋgu ɀinoɗana kunaMŋari mupenyu. Ɀirokwaɀo, shiri yakaɀiwanira imba, Nyeŋganyeŋga yakaɀiwanira ɗendere, painoisa ʋana ʋayo, Ipo paartari dzenyu, Jehova wehondo, Mambo waŋgu, naMŋari waŋgu. Ʋakaropafadzwa ʋanogara mumba menyu; Ʋacagara ʋacikurumbidzai. Wakaropafadzwa munhu unesimba rake mamuri; Unemigwagwa inoenda Zioni mumŋoyo make. Kana ʋacipfuʋura nomumupata wakawoma, ʋanouita nɀimbo inamatsime; Ɀirokwaɀo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero. Ʋanowedzera simba pasimba raʋo, Mumŋe nomumŋe waʋo unoȿika pamberi paMŋari paZioni. Haiwa, Jehova wehondo, inzwa munyeŋgetero waŋgu; Tererai nenzeʋe, Mŋari waJakobo. Tarirai, Mŋari, nhoʋo yeɗu, Muʋone ciso comuzodzwa wenyu. Nokuti zuʋa rimŋe paʋazhe dzenyu rinokunda mamŋe anecuru pakunaka. Ndinoti ɀirinani kuti ndiʋe murindi womukoʋa mumba maMŋari waŋgu, Pakuti ndigare pamatente aʋaneɀakaipa. Nokuti Jehova Mŋari izuʋa nenhoʋo; Jehova ucapa nyasha nokukudzwa; Hapanecinhu cakanaka caaŋganyima ʋanofamba nokururama. Jehova wehondo, Wakaropafadzwa munhu unoʋimba nemi.
Mapisarema 84:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)