Mapisarema 80:1-7
Mapisarema 80:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai pamberi paEfuremu, Bhenjamini naManase. Mutsai simba renyu; uyai mutiponese. Tidzorei, imi Mwari, penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko? Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda. Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.
Mapisarema 80:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tererai nenzeve, Mufudzi waIsiraeri, Iyemi munotungamirira Josefa seboka rezvipfuwo; Imi mugere pakati pamakerubhi, penyai! Mutsai simba renyu pamberi paEfuremu naBhenjamini naManase, Muuye kuzotirwira. Tidzosereizve, Mwari; Penyesai chiso chenyu, isu tiponeswe. Jehovha, Mwari wehondo, Muchatsamwira munyengetero wavanhu venyu kusvikira riniko? Makavadyisa zvokudya zvemisodzi, Nokuvanwisa misodzi yakawanda kwazvo. Makatiita chinhu chinoitirwa nharo navatigere navo; Vavengi vedu vanotiseka pakati pavo. Tidzosereizve, Mwari wehondo; Penyesai chiso chenyu, isu tiponeswe.
Mapisarema 80:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Teererai imi mufudzi weIsiraeri imi munotungamirira vokwaJosefi sedanga rehwai, imi mune chigaro chenyu choumambo pamaKerubhi, bwinyai kune vokwaEfuremu novokwaBhenjamini nokune vokwaManase. Kokai simba renyu muuye kuzotinunura. Tiiteiwo zvatakanga takaita kare, Mwari, chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe. TENZI wehondo nehondo, kusvikira rinhiko makashatirwa neminamato yavanhu venyu. Kuchema ndiko kwava chokudya chavo, makavapa misodzi kuti vanwe zvokutogondwa. Munoita kuti vavakidzani vatirwirane vavengi vedu vachitotiseka pakati pavo. Tiiteiwo zvatakanga takaita kare Mwari wehondo nehondo. Chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe.
Mapisarema 80:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tererai nenzeʋe, Mufudzi waIsraeri, Iyemi munotuŋgamirira Josefa seɓoka reɀipfuwo; Imi mugere pakati pamakerubi, penyai! Mutsai simba renyu pamberi paEfraimi naBenjamini naManase, Muʋuye kuzotirwira. Tidzoserei ɀe, Mŋari; Penyisai ciso cenyu, isu tiponeswe. Jehova, Mŋari wehondo, Mucatsamŋira munyeŋgetero waʋanhu ʋenyu kuȿikira riniko? Makaʋadyisa ɀokudya ɀemisodzi, Nokuʋanwisa misodzi yakawanda kwaɀo. Makatiita cinhu cinoitirwa nharo naʋatigere naʋo; Ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋanotiseka pakati paʋo. Tidzoserei ɀe, Mŋari wehondo; Penyisai ciso cenyu, isu tiponeswe.
Mapisarema 80:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)