Mapisarema 77:9-13
Mapisarema 77:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?” Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi: makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.” Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare. Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru. Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
Mapisarema 77:9-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko Mwari akanganwa kuva nenyasha? Apfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamwa kwake here?” Ipapo ndakati, “Ndihwo utera hwangu, Asi ndicharangarira makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.” Ndichareva zvakaitwa naJehovha; Nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisawo basa renyu rose, Nokurangarira zvamakaita. Nzira yenyu, Mwari, iri panzvimbo tsvene; Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari?
Mapisarema 77:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akakanganwa kuita tsiye nyoro here? Hasha dzake dzavhiringidza tsitsi dzake here? Dzepfunde Ini ndinoti chinhu chinondirwadza kuti kuita kwaMwari zvine simba kwasanduka. Ndinoyeuka zviito zvaMwari. Hongu ndinorangarira zviito zvenyu zvepasichigare. Ndichanyatsofungisisa mabasa enyu ose. Ndigozvibvunzurudza nezvamabasa enyu esimba. Nzira yenyu Mwari itsvene ndoupi mwari mukuru saMwari wedu?
Mapisarema 77:9-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko Mŋari wakaŋganwa kuʋa nenyasha? Wapfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamŋa kwake here? Ipapo ndakati: Ndibgo ʋutera bgaŋgu: Asi ndicaraŋgarira makore oruʋoko rworudyi rwoWokumsoro‐soro. Ndicareʋa ɀakaitwa naJehova; Nokuti ndicaraŋgarira ɀishamiso ɀenyu ɀakare. Ndicafuŋgisisa ʋo ɓasa renyu rose, Nokuraŋgarira ɀamakaita. Nzira yenyu, Mŋari, iri panɀimbo tȿene; Ndianiko mŋari mukuru, wakafanana naiye Mŋari?
Mapisarema 77:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)