Mapisarema 77:1-20
Mapisarema 77:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe. Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa. Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura. Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare; ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati, “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? Haachazombonzwiri ngonizve here? Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?” Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi: makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.” Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare. Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru. Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu? Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu. Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda. Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nokutinhira; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko. Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka. Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi. Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.
Mapisarema 77:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichadana kuna Mwari nezwi rangu; kuna iye Mwari nezwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri. Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa. Ndinorangarira Mwari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofungisisa, mweya wangu ndokuziya. Hamutenderi meso angu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura. Ndakarangarira mazuva ekare, Makore enguva dzakare-kare. Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; Ndinotaurirana nomwoyo wangu; Mweya wangu wakanzvera kwazvo. “Ko Ishe angarasha nokusingaperi? Haachazonzwiri ngoni here? Ko tsitsi dzake dzaenda chose nokusingaperi? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Ko Mwari akanganwa kuva nenyasha? Apfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamwa kwake here?” Ipapo ndakati, “Ndihwo utera hwangu, Asi ndicharangarira makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.” Ndichareva zvakaitwa naJehovha; Nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisawo basa renyu rose, Nokurangarira zvamakaita. Nzira yenyu, Mwari, iri panzvimbo tsvene; Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari? Ndimi Mwari anoita zvishamiso; Makaratidza simba renyu pakati pavanhu. Makadzikinura vanhu venyu noruoko rwenyu, Ivo vanakomana vaJakobho naJosefa. Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; Mvura zhinji yakakuonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda. Makore akadurura mvura; Denga rose rakabudisa izwi; Miseve yenyu yakafamba-famba kwose. Izwi rokutinhira kwenyu rakanga riri muchamupupuri; Mheni dzakavhenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzununguka. Kufamba kwenyu kwakanga kuri mugungwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji-zhinji, Makwara enyu akanga asingazikanwi. Makafambisa vanhu venyu seboka ramakwai, Noruoko rwaMosesi norwaAmoni.
Mapisarema 77:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoridza mhere kuna Mwari, mhere kuna Mwari kuti andinzwe. Nezuva rokutambudzika kwangu ndinotsvaka TENZI. Usiku ndinosimudza maoko angu ndisinganeti, mweya wangu unoramba kunyaradzwa. Ndinofunga Mwari ndigoungudza. Ndikati rangarirei mweya wangu unobva washaya simba. Dzepfunde Usiku munoita kuti ndirare ndakasvinura ndinobva ndatambudzika zvokutotadza kutaura. Ndinombofunga nezvamazuva akare, ndinoyeuka makore enguva yakare. Ndinozvibvunzurudza mumwoyo mangu usiku, ndinorangarira ndichitsvagurudza mumweya wangu. Mwari andirasa zvachose here? Haachandifaririzve here? Mwoyochena wake wapera zvachose here? Zvaakanditsidzira zvakabva zvapera here? Mwari akakanganwa kuita tsiye nyoro here? Hasha dzake dzavhiringidza tsitsi dzake here? Dzepfunde Ini ndinoti chinhu chinondirwadza kuti kuita kwaMwari zvine simba kwasanduka. Ndinoyeuka zviito zvaMwari. Hongu ndinorangarira zviito zvenyu zvepasichigare. Ndichanyatsofungisisa mabasa enyu ose. Ndigozvibvunzurudza nezvamabasa enyu esimba. Nzira yenyu Mwari itsvene ndoupi mwari mukuru saMwari wedu? Muri Mwari anoita zvishamiso makaratidza simba renyu pakati pavanhu. Makanunura vanhu venyu nesimba roruoko rwenyu vana vokwaJakobho naJosefi. Dzepfunde. Mvura payakakuonai Mwari, mvura payakakuonai yakatya. Hongu hwenje hwakadedera. Makore akadurura mvura, matenga akatinhira, miseve yenyu yakavaima mativi ose. Kupwatika kwemheni yenyu kwakanga kuri muchamupupuri mheni dzenyu dzaipenyesa pasi nyika yakadedera ikandengendeka. Mugwagwa wenyu waipfuura nomugungwa; nzira yenyu yaipfuura nomumvura zhinji, asi tsoka dzapamakatsika hadzina kuoneka. Makatungamirira vanhu venyu sedanga rehwai vari mumaoko aMosesi naAroni.
Mapisarema 77:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaɗana kunaMŋari nenzwi raŋgu; Kunaiye Mŋari nenzwi raŋgu, ucarerekera nzeʋe yake kwandiri. Pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu ndakatȿaka Ishe; Ruʋoko rwaŋgu rwakaŋga rwakatambanudzwa ʋusiku, ndisiŋgaregi; Mŋeya waŋgu wakaramba kunyaradzwa. Ndinoraŋgarira Mŋari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofuŋgisisa, mŋeya waŋgu ndokuziya. Hamutenderi meso aŋgu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura. Ndakaraŋgarira mazuʋa ekare, Makore eŋguʋa dzakare‐kare. Ndinoɀiyeʋudzira kuimba kwaŋgu pakati poʋusiku; Ndinotaurirana nomŋoyo waŋgu; Mŋeya waŋgu wakanɀera kwaɀo. Ko Ishe uŋgarasha nokusiŋgaperi? Haacazonzwiri ŋgoni here? Ko tsitsi dzake dzaenda cose nokusiŋgaperi? Cipikirwa cake cakakona nokusiŋgaperi here? Ko Mŋari wakaŋganwa kuʋa nenyasha? Wapfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamŋa kwake here? Ipapo ndakati: Ndibgo ʋutera bgaŋgu: Asi ndicaraŋgarira makore oruʋoko rworudyi rwoWokumsoro‐soro. Ndicareʋa ɀakaitwa naJehova; Nokuti ndicaraŋgarira ɀishamiso ɀenyu ɀakare. Ndicafuŋgisisa ʋo ɓasa renyu rose, Nokuraŋgarira ɀamakaita. Nzira yenyu, Mŋari, iri panɀimbo tȿene; Ndianiko mŋari mukuru, wakafanana naiye Mŋari? Ndimi Mŋari unoita ɀishamiso; Makaratidza simba renyu pakati paʋanhu. Makadzikinura ʋanhu ʋenyu noruʋoko rwenyu, Iʋo ʋanakomana ʋaJakobo naJosefa. Mvura zhinji yakakuʋonai, Mŋari; Mvura zhinji yakakuʋonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda. Makore akaɗurura mvura; Ƌeŋga rose rakaɓuɗisa inzwi; Miseʋe yenyu yakafamba‐famba kwose. Inzwi rokutinhira kwenyu rakaŋga riri mucampupuri; Mheni dzakavenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzunuŋguka. Kufamba kwenyu kwakaŋga kuri muguŋgwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji‐zhinji, Makwara enyu akaŋga asiŋgazikanwi. Makafambisa ʋanhu ʋenyu seɓoka ramakwai, Noruʋoko rwaMosesi norwaAroni.
Mapisarema 77:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)