Mapisarema 75:7-8
Mapisarema 75:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe. Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
Mapisarema 75:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe. Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa.
Mapisarema 75:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
asi Mwari ndiye anotonga, ndiye anodzikisa mumwe achisimudzira mumwe. Nokuti muruoko rwaTENZI mune mukombe une waini inotutuma ina masanganiswa chaiwo anoidurura vakaipa vose vapasi vagoinwa namasese ose.
Mapisarema 75:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Mŋari ndiye mutoŋgi; Unoninipisa mumŋe acikudza mumŋe. Nokuti muruʋoko rwaJehova munomukombe, newaini inopupuma; Uzere neɀakaveŋganiswa, ɀino unoɗurura mauri; Ɀirokwaɀo, ʋakaipa ʋose ʋenyika ʋacaȿina masese awo, nokuanwa.
Mapisarema 75:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
asi Mwari ndiye anotonga, ndiye anodzikisa mumwe achisimudzira mumwe. Nokuti muruoko rwaTENZI mune mukombe une waini inotutuma ina masanganiswa chaiwo anoidurura vakaipa vose vapasi vagoinwa namasese ose.