Mapisarema 72:10-14
Mapisarema 72:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo. Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira. Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira. Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu. Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.
Mapisarema 72:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Madzimambo eTarishishi neezvivi achauya nezvipo; Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo; Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzichamushumira. Nokuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira; Nomurombo asina mubatsiri. Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Achaponesa mweya yavashaiwi. Achadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake
Mapisarema 72:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzimambo okuTashishi nookuzvitsuwa ngaatere mutero kwaari. Madzimambo okuShebha nokuSebha ngavauye nezvipo. Madzimambo ose ngaamugwadamire marudzi ose amushandire. Nokuti anonunura asina chaanacho kana achichema-chema, murombo naasina anomubatsira. Anonzwira tsitsi akarukutika naasina chaanacho achiponesa vasina chavanacho muupenyu. Anovanunura upenyu mukudzvinyirirwa noutsinye uye ropa ravo rakakosha kwaari.
Mapisarema 72:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Madzimambo eTarshishi neeɀiwi acaʋuya neɀipo; Madzimambo eSheba neSeba ʋacamuʋigira ɀipo; Ɀirokwaɀo, madzimambo ose acawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzicamushumira. Nokuti ucarwira mushaiwi kana aciɗanidzira; Nomurombo usinomuɓatsiri. Ucanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Ucaponesa mŋeya yaʋashaiwi. Ucadzikinura mŋeya yaʋo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa raʋo ricaʋa cinhu cinokosha pamberi pake
Mapisarema 72:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)