Mapisarema 71:1-3
Mapisarema 71:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; ngandirege kutongonyadziswa. Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu; rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese. Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda; rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
Mapisarema 71:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa. Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese. Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
Mapisarema 71:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinopotera kwamuri TENZI musaite kuti ndinyadziswe. Sezvamakarurama kudai ndinunureiwo, ndisunungureiwo, rerekerai nzeve yenyu kwandiri mundinunure. Ivai kwandiri bako rokupotera, nhare yakasimba yokundinunura nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
Mapisarema 71:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, ndinoʋimba nemi; Ŋgandirege kutoŋgonyadziswa. Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunuŋgurei; Rerekerai nzeʋe yenyu kwandiri, mundiponese. Iʋai ɗombo raŋgu mandiŋgagara, kwandiŋgaramba ndicienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndi’mi ɗombo raŋgu nenhare yaŋgu.
Mapisarema 71:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)