Mapisarema 61:5-8
Mapisarema 61:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu. Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi. Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire. Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.
Mapisarema 61:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti imi Mwari makanzwa mhiko dzangu; Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu. Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo; Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji. Achagara pamberi paMwari nokusingaperi; Mumugadzirire unyoro nezvokwadi, kuti zvimuchengete. Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.
Mapisarema 61:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti imi Mwari munonzwa mhiko dzangu munondipa nhaka yavanotya zita renyu. Pamhidzirai upenyu hwamambo makore ake ngaasvike kuzvizvarwa nezvizvarwa. Ngaarambe ari pachigaro chokutonga nokusingaperi pamberi paMwari mwoyochena nokutendeka ngazvive naye. Naizvozvo ndichaimbira zita renyu ndichikurumbidzai pandinopira pazuva nezuva zvandakatsidza.
Mapisarema 61:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti imi Mŋari makanzwa mhiko dzaŋgu; Makadzosa nhaka yaʋanotya zita renyu. Mucawedzera mazuʋa oʋupenyu bgamambo; Makore ake acaenzana naamarudzi mazhinji. Ucagara pamberi paMŋari nokusiŋgaperi; Mumugadzirire ʋunyoro neɀokwaɗi, kuti ɀimuceŋgete. Naiɀoɀo ndicaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusiŋgaperi, Kuti ndiite mhiko dzaŋgu zuʋa rimŋe nerimŋe.
Mapisarema 61:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)