Mapisarema 57:1-2
Mapisarema 57:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni, nokuti mweya wangu unovanda mamuri. Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, kusvikira njodzi yapfuura. Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro, kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.
Mapisarema 57:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura. Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro; Kuna Mwari anondiitira zvose.
Mapisarema 57:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinzwireiwo tsitsi Mwari, ndinzwireiwo tsitsi nokuti ndinopotera kwamuri. Ndinovanda nomumvuri wamapapiro enyu kusvikira dutu rokuparadza rapfuura. Ndinochema kwamuri, Mwari wokumusorosoro, kuna Mwari Mupedzanhamo wangu.
Mapisarema 57:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinzwirei tsitsi, Mŋari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mŋeya waŋgu unotizira kwamuri; Ɀirokwaɀo, ndicatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kuȿikira njodzi dzapfuʋura. Ndicaɗanidzira kunaMŋari Wokumsoro‐soro; KunaMŋari unondiitira ɀose.
Mapisarema 57:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndinzwireiwo tsitsi Mwari, ndinzwireiwo tsitsi nokuti ndinopotera kwamuri. Ndinovanda nomumvuri wamapapiro enyu kusvikira dutu rokuparadza rapfuura. Ndinochema kwamuri, Mwari wokumusorosoro, kuna Mwari Mupedzanhamo wangu.