Mapisarema 50:11-23
Mapisarema 50:11-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu. Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi. Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here? “Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro, uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.” Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako? Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako. Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako. Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera. Unogara uchipomera hama yako uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa. Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako. “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai: Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”
Mapisarema 50:11-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu. Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe; Nokuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo. Ko ndingadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here? Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wokumusorosoro mhiko dzako; Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.” Asi kuneakaipa Jehovha anoti, “Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako? Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako. Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe. Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema. Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako. Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako. Zvino fungai chinhu ichi, imi vokukanganwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri, Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.”
Mapisarema 50:11-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shiri dzose dzomumakomo ndinodziziva uye zvose zvinofamba musango ndezvangu. Dai kuri kuti ndaita nzara, handaiudza iwe nokuti pasi pose nazvose zviripo ndezvangu. Ko ini ndinodya nyama yehandira here kana kunwa ropa rembudzi here? Kutenda kwako ngakuve chibayiro chako uite zvawakatsidza kuita kunoWokumusorosoro. Pakadaro daidzira kwandiri pazuva renhamo ndichakununura ukatozondirumbidza.” Kune wakaipa Mwari anoti, “Unodetemberei mitemo yangu, kana kutaura pamuromo pako chitenderano changu? Zvokudzorwa haudi uye unofuratira mazwi angu. Ukaona mbavha unobva waita ushamwari nayo uye unoita usahwira nemhombwe. Unotopa muromo wako manyemwe okutaura zvakaipa. Rurimi rwako runoronga unyengedzi Unogara pasi uchitaura zvakaipa nezvemukoma kana munun'una wako uchinyeya mwana wamai vako chaiye. Wakaita izvi, asi inindikanyarara zvangu, wakafungaka iwe kuti ndakafanana newe; zvino ndinokutsiura ndichikupa mhosva. Nzwisisai izvi, imi munokanganwa Mwari ndingadaro ndikabvarura munhu pagoshaya anonunura. Chibayiro chokutenda chinondiremekedza uye munhu anogadziridza upenyu hwake ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.”
Mapisarema 50:11-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoziʋa shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musaŋgo, ndedzaŋgu. Kana ndaiʋa nenzara, handizaikuʋudza iwe; Nokuti nyika ndeyaŋgu, neɀaizere naɀo. Ko ndiŋgadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here? Ƃayirai Mŋari ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga; Uripire Wokumsoro‐soro mhiko dzako; Uɗane kwandiri pazuʋa rokutambudzika; Ini ndicakurwira, iwe ugondirumbidza. Asi kunowakaipa Jehova unoti: Iwe uŋgaɗudzira seiko ɀandakatema, Nokureʋa suŋgano yaŋgu nomuromo wako? Ɀaunoʋeŋga kurairwa, Nokurasha mashoko aŋgu shure kwako. Wakati uciʋona mbava, ukafarirana nayo, Unoshamŋaridzana nemhombge. Unotendera muromo wako kureʋa ɀakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema. Unogara ucipomera hama yako; Unoita makuhwa pamsoro pomŋanakomana wamai ʋako. Ɀinhu iɀi wakaɀiita, ndikaramba ndinyerere; Wakafuŋga kuti ini ndakafanana newe cose; Asi ndicakuraira, ndiciroŋgedzera ɀinhu iɀi pameso ako. Ɀino fuŋgai cinhu ici, imi ʋokukaŋganwa Mŋari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri: Munhu, unoɓayira ciɓayiro cokuʋoŋga, unondikudza; Ʋuye unogadzira nzira yake ɀakanaka Ndicamuratidza kuponesa kwaMŋari.
Mapisarema 50:11-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)