Mapisarema 5:10-12
Mapisarema 5:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Mwari, vapei mhosva! Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo. Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji, nokuti vakakumukirai. Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; ngavagare vachiimba nomufaro. Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri. Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama; munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.

Mapisarema 5:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muvapei, mhosva, Jehovha; Ngavawe namano avo; Muvadzinge nokuda kwokuwanda kwokudarika kwavo; Nokuti vakakumukirai. Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose, nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi. Nokuti mucharopafadza akarurama; Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhoo.
Mapisarema 5:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngavabatwe nemhosva yavo, Mwari. Zvavakarangana izvozvo zvivaputsire pasi. Pamusana pezvikanganiso zvavo zvakawanda, vadzingei nokuti vakakupandukirai. Asi vanopotera mamuri ngavafare, varambe vachiimba nomufaro. Imiwo vadzivirirei, kuitira kuti vanoda zita renyu vapembere nokufara mamuri. Nokuti imi TENZI munokomborera mururami, munomudzivirira senhoo nemweya wenyu wakanaka.
Mapisarema 5:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muʋapei mhoȿa, Jehova; Ŋgaʋawe namano aʋo; Muʋadziŋge nokuɗa kwokuwanda kwokuɗarika kwaʋo; Nokuti ʋakakumukirai. Asi ʋose ʋanoʋimba nemi ŋgaʋafare, Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro ŋguʋa dzose, nokuti imi munoʋadzitira; Ʋose ʋanoɗa zita renyu ŋgaʋafare nemi. Nokuti mucaropafadza wakarurama; Imi Jehova, mucamukomberedza nenyasha senhoʋo.
Mapisarema 5:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)