Mapisarema 46:8-11
Mapisarema 46:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika. Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto. “Mirai, muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.” Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
Mapisarema 46:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika. Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto. “Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika.” Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
Mapisarema 46:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyai muone mabasa aMwari akaita zvisingatauriki panyika. Anomisa hondo kusvika kwakaperera nyika, anotyora uta achityoranisa mapfumo, anopisa ngoro dzehondo nemoto. Nyararai muti zii muzive kuti ndiri Mwari, ndinorumbidzwa pakati pamarudzi, ndinorumbidzwa panyika. TENZI wehondo nehondo anesu Mwari waJakobho ndiye diziro.
Mapisarema 46:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuyai muʋone maɓasa aJehova, Ɀishamiso ɀaakaita panyika. Unogumisa kurwa kuȿikira pakuguma kwenyika; Unovuna ʋuta, nokuvuna‐vuna pfumo; Unopisa ŋgoro dzokurwa nomŋoto. Nyararai, muziʋe kuti ndini Mŋari; Ndicaʋa mukuru pakati paʋahedeni, ndicaʋa mukuru panyika. Jehova wehondo une’su; Mŋari waJakobo inhare yeɗu.
Mapisarema 46:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)