Mapisarema 45:10-17
Mapisarema 45:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako. Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako. Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri. Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe. Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri. Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo. Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda munyika yose. Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.
Mapisarema 45:10-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Terera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kanganwawo vanhu vako, neimba yababa vako; Ipapo mambo achada kunaka kwako; Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe. Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vapfumi pakati pavanhu vachakumbira ngoni dzako. Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; Nguo dzake dzakarukwa nendarama. Uchaperekwa kuna mambo nenguo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri. Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo. Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose. Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri.
Mapisarema 45:10-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwa mwanasikana, nyatsopafungisisa uteerere: vanhu vokwako neveimba yokwababa vako kanganwa. Mambo achafadzwa norunako rwako. Zvaari tenzi wako mukotamire. Vanhu vokuTire vachakuunzira zvipo, ivo vapfumi chaivo vachakuunzirai upfumi hworudzi norudzi. Mukunda anoshongedzwa muimba make namagemenzi akarukwa nendarama. Anozotungamidzwa kuna mambo akapfeka magemenzi ana mavara mavara aine mhandara dzake dzokumuperekedza mudungwerungwe rake. Vanotungamirirwa nomufaro vachipururudza vachipinda mumuzinda wamambo. Vokutsiva madzibaba enyu, mambo muchava navana muchavaita madzishe apanyika pose. Ndichaita kuti zita renyu rirangarirwe pazvizvarwa zvose naizvozvo marudzi avanhu achakurumbidzai narini narini.
Mapisarema 45:10-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Terera mukunda, raŋgarira, urereke nzeʋe yako; Kaŋganwa ʋo ʋanhu ʋako, neimba yaɓaɓa ʋako; Ipapo mambo ucaɗa kunaka kwako; Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe. Ʋuye mukunda weTiro ucaʋa’po necipo; Ʋafumi pakati paʋanhu ʋacakumbira ŋgoni dzako. Mukunda wamambo wakanaka kwaɀo‐kwaɀo mukati meimba yamambo; Ŋguʋo dzake dzakarukwa nendarama. Ucaperekwa kunamambo neŋguʋo dzakarukwa dzinamaʋara; Mhandara, shamŋari dzake dzinomuteʋera, Ʋacaiswa kwamuri. Ʋacaperekwa nomufaro nokufarisisa; Ʋacapinda mumba mamambo. Panɀimbo yamadziɓaɓa ako ʋana ʋako ʋacaʋa’po, Ʋaucaita macinda panyika yose. Ndicayeʋudzira zita renyu kuȿikira kumarudzi ose; Naiɀoɀo ndudzi dzaʋanhu dzicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi‐peri.
Mapisarema 45:10-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)