Mapisarema 44:17-22
Mapisarema 44:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu. Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu. Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru. Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa, Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo? Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.
Mapisarema 44:17-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu. Mwoyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu; Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu. Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kumwari wavamwe; Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomwoyo. Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.
Mapisarema 44:17-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvose izvi zvakatiwira asi isu tisina kukukanganwai kana kusatendeka kuchitenderano chenyu. Mwoyo yedu haina kufuratira uye tsoka dzedu hadzina kutsauka pagwara renyu. Asi imi makatipwanya panzvimbo inogara makava, mukatifukidza nerima rakati kwirindindi. Dai kuri kuti takakanganwa zita raMwari wedu kana kusimudzira maoko edu kuna Mwari asiri iye, iye Mwari angadai asina kuzviona here? Nokuti anoziva wani zviri mumwoyo zvakavandika. Inga tinouraiwa zuva rose tichitorwa sehwai dzokubaya.
Mapisarema 44:17-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iɀi ɀose ɀakatiwira; kunyaŋge ɀakaɗaro hatina‐kukukaŋganwai, Hatina‐kunyeŋgedzera pasuŋgano yenyu. Mŋoyo yeɗu haina‐kudzokera shure, Kutsika kweɗu hakuna‐kutsauka panzira yenyu; Kunyaŋge makatipxanya‐pxanya panɀimbo yamakaʋa, Mukatifukidza nomumvuri worufu. Kana ticiŋge takaŋganwa zita raMŋari weɗu, Kana kutambanudzira maʋoko eɗu kumŋari waʋamŋe; Ko Mŋari haaŋganɀeri iɀoɀo here? Nokuti iye unoziʋa ɀakaʋanzika ɀomŋoyo. Ɀirokwaɀo, nokuɗa kwenyu tinoʋurawa zuʋa rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kuɓayiwa.
Mapisarema 44:17-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)