Mapisarema 42:5-11
Mapisarema 42:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu. Mweya wangu wakaneta mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri kunyika yeJorodhani, pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari. Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namafashamu akapfuura napamusoro pangu. Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu, “Mandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema ndakadzvinyirirwa nomuvengi?” Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu, sezvo vavengi vangu vachindizvidza zuva rose vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu.
Mapisarema 42:5-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake. Haiwa Mwari, mweya wangu unoshuwa mukati mangu; Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJorodhani, Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari. Pakadzika panodana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu. Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, “Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza kwomuvengi wangu?” Zvakafanana nomunondo pamapfupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.
Mapisarema 42:5-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko ndasururavara neiko kudai iyeni? Ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinofanira kutarisira muna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu. Ndinosuruvara mumwoyo mangu, saka zvinondipa kukurangarirai ndiri munyika yokuJorodhani nokuHerimoni, ndiri kugomo reMiza. Maungira anodairana pakutinhira kunoita mapopo enyu. Masaisai enyu ose namasundesunde andifukidza. TENZI anoratidza mwoyochena wake masikati; usiku ndinobva ndadandaura kuimba rumbo rwake kuri kunyengetera kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndinoti kuna Mwari, dombo rangu, “Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nokushushwa kwandinoitwa nemhandu?” Vavengi vangu vanondishora sokunge ndinodzimbirwa paronda riri mumuviri wangu. Vachingonditi, “Mwari wako aripiko?” Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinotarisira kuna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu.
Mapisarema 42:5-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu? Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu? Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu, Nokuɗa kwokuponesa kweciso cake. Haiwa Mŋari, mŋeya waŋgu unoshuwa mukati maŋgu; Naiɀoɀo ndinokuraŋgarirai ndiri panyika yaJoridani, Napamakomo eHermoni, necikomo ceMizari. Pakadzika panoɗana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafuŋgu enyu namapoporodzi enyu akapfuʋura napamsoro paŋgu. Asi Jehova ucaraira ʋunyoro bgake paŋguʋa yamasikati, Ʋusiku rwiyo rwake rucaʋa neni, Uʋe munyeŋgetero kunaMŋari woʋupenyu bgaŋgu. Ndicati kunaMŋari, ɗombo raŋgu: Makandikaŋganwireiko? Ndinofambireiko ndicicema nemhaka yokumanikidza kwomuʋeŋgi waŋgu? Ɀakafanana nomunondo pamafupa aŋgu, kana ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋacindiɀidza; Kana ʋaciramba ʋaciti kwandiri: Mŋari wako uripiko? Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu? Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu? Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu, Iye muponesi weciso caŋgu, NaMŋari waŋgu.
Mapisarema 42:5-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)