Mapisarema 40:9-17
Mapisarema 40:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakaparidza shoko rinofadza roruponeso musangano guru. Handina kumbomedza mate sokuziva kwenyu TENZI. Handina kuvanza mumwoyo mangu kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira. Ndakataura nezvokutendeka kwenyu nokununura kwenyu. Handina kuvanza mwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru. Musarege henyu kundiitira tsitsi TENZI. Nomwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu, rambai muchingondichengeta. Nokuti nhamo dzisingaverengeki dzandimomotera, zvitadzo zvangu zvandikunda zvokutotadza kuona. Zvakawanda kupinda vhudzi romusoro wangu. Ndarasa mwoyo ini. Ngazvikufadzei TENZI kundinunura Mwari chimbidzai kundibatsira. Vanoda kundiuraya ngavanyadziswe vadzungaire zvachose vanoda kubvuta upenyu hwangu. Ngavadzorwe vanyadziswe avo vanoda kundikuvadza. Ngavakatyamare pamusana pokunyara kwavo vanondisveeredza vachiti, “Tsvatu waro tsvatu waro.” Asi vose vanokutsvakai ngavapembere nokufara mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “TENZI mukuru.” Asi iniwo zvangu ndiri murombo nomunhu asina chaanacho. Asi TENZI anondifunga; ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu musanonoke Mwari wangu.
Mapisarema 40:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha. Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru. Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose. Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza; zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona. Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu, uye mwoyo wangu waneta mukati mangu. Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei; haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira. Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanoda kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vanyadziswe. Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo. Asi vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!” Asi ndiri murombo nomushayiwi; dai Ishe vandifungawo. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu; haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.

Mapisarema 40:9-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; Tarirai, handingadzori miromo yangu, Jehovha, munozviziva. Handina kuvanza kururama kwenyu mumwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu. Jehovha, imi hamungandinyimi ngoni dzenyu; Unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu zvichandichengeta nguva dzose. Nokuti madambudzo asingaverengwi akandikomberedza, Zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; Zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu, ndapera mwoyo. Jehovha, ngazvikufadzei kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha. Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe pamwechete. Ivo vanotsvaka mweya wangu kuti vauparadze; Ngavadzoserwe shure, vashorwe Ivo vanofarira kundikuvadza. Ngavavhunduswe nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti kwandiri, “Hekani, hekani waro!” Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri; Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!” Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kunyange zvakadaro Ishe anondifunga; Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Mwari wangu.
Mapisarema 40:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakaparidza shoko rinofadza roruponeso musangano guru. Handina kumbomedza mate sokuziva kwenyu TENZI. Handina kuvanza mumwoyo mangu kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira. Ndakataura nezvokutendeka kwenyu nokununura kwenyu. Handina kuvanza mwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru. Musarege henyu kundiitira tsitsi TENZI. Nomwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu, rambai muchingondichengeta. Nokuti nhamo dzisingaverengeki dzandimomotera, zvitadzo zvangu zvandikunda zvokutotadza kuona. Zvakawanda kupinda vhudzi romusoro wangu. Ndarasa mwoyo ini. Ngazvikufadzei TENZI kundinunura Mwari chimbidzai kundibatsira. Vanoda kundiuraya ngavanyadziswe vadzungaire zvachose vanoda kubvuta upenyu hwangu. Ngavadzorwe vanyadziswe avo vanoda kundikuvadza. Ngavakatyamare pamusana pokunyara kwavo vanondisveeredza vachiti, “Tsvatu waro tsvatu waro.” Asi vose vanokutsvakai ngavapembere nokufara mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “TENZI mukuru.” Asi iniwo zvangu ndiri murombo nomunhu asina chaanacho. Asi TENZI anondifunga; ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu musanonoke Mwari wangu.
Mapisarema 40:9-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakaparidza mashoko omufaro paʋuŋgano huru; Tarirai, handiŋgadzori miromo yaŋgu, Jehova, munoɀiziʋa. Handina‐kuʋanza kururama kwenyu mumŋoyo maŋgu; Ndakaɗudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina‐kuʋanzira ʋuŋgano huru ʋunyoro bgenyu neɀokwaɗi yenyu. Jehova, imi hamuŋgandinyimi ŋgoni dzenyu; Ʋunyoro bgenyu neɀokwaɗi yenyu ɀicandiceŋgeta ŋguʋa dzose. Nokuti maɗambudzo asiŋgaʋereŋgwi akandikomberedza, Ɀakaipa ɀaŋgu ɀakandiɓata, naiɀoɀo handigoni kutarira kumsoro; Ɀakawanda kupfuʋura vudzi romusoro waŋgu, ndapera mŋoyo. Jehova, ŋgaɀikufadzei kundirwira; Kurumidzai kundiɓatsira, Jehova. Ŋgaʋanyadziswe, ŋgaʋaɀidzwe pamŋe cete Iʋo ʋanotȿaka mŋeya waŋgu kuti ʋauparadze; Ŋgaʋadzoserwe shure, ʋashoʋorwe Iʋo ʋanofarira kundikuʋadza. Ŋgaʋavunduswe nokuɗa kwenyadzi dzaʋo Iʋo ʋanoti kwandiri: Hekani, hekani waro! Ʋose ʋanokutȿakai ŋgaʋafarise ʋaʋe nomufaro mamuri; Ʋanoɗa kuponesa kwenyu ŋgaʋarambe ʋaciti: Jehova ŋgaakudzwe! Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kunyaŋge ɀakaɗaro Ishe unondifuŋga; Imi muri muɓatsiri waŋgu nomurwiri waŋgu; Regai kunonoka, Mŋari waŋgu.
Mapisarema 40:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)