Mapisarema 4:6-8
Mapisarema 4:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha. Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda. Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.
Mapisarema 4:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vazhinji variko vanoti, “Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha, simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.” Makaisa mufaro mumwoyo mangu, Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa. Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.
Mapisarema 4:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuna vazhinji, vanoti, dai waro zvinhu zvatinakira, mativhenekerawo nokupenya kwouso hwenyu, imi TENZI. Makaisa rufaro mumwoyo mangu kupinda vanhu kana vawana matutu matutu embeswanwa nebvachapfacha rewaini. Zvose kurara nokukotsira ndinozviwana murugare nokuti imi moga, ndimi TENZI munoita kuti ndigare ndakagarikana.
Mapisarema 4:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋazhinji ʋari’ko ʋanoti: Ndianiko ucatiratidza ɀakanaka? Jehova, simudzirai pamsoro peɗu ciedza ceciso cenyu. Makaisa mufaro mumŋoyo maŋgu, Unopfuʋura waʋanhu kana ɀiyo ɀaʋo newaini yaʋo ɀawanzwa. Ndicaʋata pasi norugare, ndiɓatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehova munondigarisa pakasimba.
Mapisarema 4:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)