Mapisarema 4:1-8
Mapisarema 4:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu makarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu. Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari. Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha. Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha. Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda. Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.
Mapisarema 4:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndipindurei kana ndichidana, Mwari wokururama kwangu; Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana; Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu. Nhai vanakomana vavanhu, kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira riniko? Muchada zvisina maturo, nokutsvaka nhema kusvikira rini? Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu anomuda, Jehovha achanzwa kana ndichidana kwaari. Ityai, murege kutadza; Tauriranai nemwoyo yenyu panhoo dzenyu, muti mwii. Bayirai zvibayiro zvokururama, Muvimbe naJehovha. Vazhinji variko vanoti, “Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha, simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.” Makaisa mufaro mumwoyo mangu, Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa. Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.
Mapisarema 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pandinodanidzira, ndipindureiwo, imi Mwari anorwira zvandinokodzera. Pandakanga ndapinda nhamo, makandifaranutsa. Ndiitireiwo mwoyochena munzwe munamato wangu. Nhaimi vanhu, kusvikira riniko muchirerutsa chiremera changu? Kuchasvikira rini muchifarira mashoko asina maturo nokufarira kuva vanazinyepera? Dzepfunde Asi zivai kuti TENZI akazvitsaurira vakarurama. TENZI anondinzwa pandinodana kwaari. Shushikanai zvenyu asi musatadze. Rangarirai mumwoyo menyu pauvato hwenyu munyarare. Dzepfunde Pirai zvibayiro kwazvo muvimbe naTENZI. Kuna vazhinji, vanoti, dai waro zvinhu zvatinakira, mativhenekerawo nokupenya kwouso hwenyu, imi TENZI. Makaisa rufaro mumwoyo mangu kupinda vanhu kana vawana matutu matutu embeswanwa nebvachapfacha rewaini. Zvose kurara nokukotsira ndinozviwana murugare nokuti imi moga, ndimi TENZI munoita kuti ndigare ndakagarikana.
Mapisarema 4:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndipindurei kana ndiciɗana, Mŋari wokururama kwaŋgu; Pakumanikidzwa kwaŋgu makandiisa pakafarikana; Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyeŋgetero waŋgu. Nhai ʋanakomana ʋaʋanhu, kukudzwa kwaŋgu kucashandurwa kunyadziswa kuȿikira riniko? Mucaɗa ɀisinamaturo, nokutȿaka nhema kuȿikira rini? Asi ziʋai kuti Jehova wakaɀitsaurira munhu unomuɗa: Jehova ucanzwa kana ndiciɗana kwaari. Ityai, murege kutadza; Tauriranai nemŋoyo yenyu panhoʋo dzenyu, muti ŋwii. Ƃayirai ɀiɓayiro ɀokururama, Muʋimbe naJehova. Ʋazhinji ʋari’ko ʋanoti: Ndianiko ucatiratidza ɀakanaka? Jehova, simudzirai pamsoro peɗu ciedza ceciso cenyu. Makaisa mufaro mumŋoyo maŋgu, Unopfuʋura waʋanhu kana ɀiyo ɀaʋo newaini yaʋo ɀawanzwa. Ndicaʋata pasi norugare, ndiɓatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehova munondigarisa pakasimba.
Mapisarema 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)