Mapisarema 31:19-24
Mapisarema 31:19-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu! Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu; Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi. Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba. Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, “Ndabviswa pamberi penyu;” Kunyange zvakadaro, makanzwa izwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri. Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza. Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.
Mapisarema 31:19-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai, kwamunoisa pamberi pavanhu, pamusoro paivo vanovanda mamuri. Mukudzivirira kwokuvapo kwenyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa. Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro. Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza. Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorindira Jehovha.
Mapisarema 31:19-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakusi kuwanda ikoko kwezvakanaka zvamakaunganidzira vanokutyai, zvamunoitira vanopotera mamuri vanhu vachiona. Nokuvapo kwenyu munovahwandisa kune zvinorongwa navanhu, munovavanza mudumba renyu kunhamo dzavana vana pamuromo TENZI ngaarumbidzwe nokuti akandiratidza zvinoshamisa mwoyochena wake pandaive ndakakombwa, seguta riri kurwiswa. Pandaive ndadumbirwa ndakati ndadzingirwa kure nemi asi imi makanzwa munamato wangu pandakachemera rubatsiro kwamuri. Idai TENZI imi vatsvene vake. TENZI anochengeta vakatendeka vake; asi anoranga zvakanyanya munhu wose anozvikudza. Simbai mutsunge mwoyo imi mose munotarisira muna TENZI.
Mapisarema 31:19-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, ɀakanaka ɀenyu ɀamakaceŋgetera ʋanokutyai ɀakakura sei, Ɀamakaitira ʋanoʋimba nemi, pamberi paʋanakomana ʋaʋanhu! Mucaʋaʋanza pakaʋanda pamberi penyu, ʋabve pamano aʋanhu; Mucaʋaceŋgeta pakaʋanda patente ʋabve panharo dzendimi. Jehova ŋgaaʋoŋgwe: Nokuti wakandiratidza ʋunyoro bgake ʋunoshamisa paguta rakasimba. Kana ndiri’ni, ndakati pakukaruka kwaŋgu: Ndabviswa pamberi penyu; Kunyaŋge ɀakaɗaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu pakucema kwaŋgu kwamuri. Iɗai Jehova, imi ʋatȿene ʋake mose; Jehova unoceŋgeta ʋakatendeka, Unotsiʋa ɀikuru munhu unoɀikudza. Iʋai nesimba, ʋuye mŋoyo yenyu itsuŋge, Imi mose munorindira Jehova.
Mapisarema 31:19-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)