Mapisarema 31:1-8
Mapisarema 31:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa. Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu. Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; Nokuti ndimi nhare yangu. Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikinura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi. Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo; Asi ndichavimba naJehovha. Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; Nokuti makaona kutambudzika kwangu; Makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu; Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi; Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
Mapisarema 31:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndinopotera kwamuri TENZI, musaite kuti ndinyadziswe. Sezvamuri vakarurama kudai, ndinunureiwo. Rerekererai nzeve yenyu kwandiri mukurumidze kundinunura; ivai kwandiri dombo rokupotera naro, nhare yakasimba yokundinunura. Imi ndimi dombo rangu nenhare yangu pamusana pezita renyu, ndiratidzei pokufamba napo munditungamirire. Nditakanurei mumambure andateerwa zvakavanzika nokuti ndimi diziro rangu. Mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu. Makandinunura, TENZI, Mwari wechokwadi. Munovenga vanoremekedza vamwari vasina maturo asi ini ndinovimba nemi TENZI. Ndinopururudza nokufarira mwoyochena wenyu nokuti imi makaona nhamo yangu makazivawo pfumvu yangu. Hamuna kundiisa mumaoko omuvengi makandiisa munzvimbo yandinogona kufamba pamadiro.
Mapisarema 31:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa. Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu. Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu. Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi. Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha. Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu. Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
Mapisarema 31:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinopotera kwamuri TENZI, musaite kuti ndinyadziswe. Sezvamuri vakarurama kudai, ndinunureiwo. Rerekererai nzeve yenyu kwandiri mukurumidze kundinunura; ivai kwandiri dombo rokupotera naro, nhare yakasimba yokundinunura. Imi ndimi dombo rangu nenhare yangu pamusana pezita renyu, ndiratidzei pokufamba napo munditungamirire. Nditakanurei mumambure andateerwa zvakavanzika nokuti ndimi diziro rangu. Mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu. Makandinunura, TENZI, Mwari wechokwadi. Munovenga vanoremekedza vamwari vasina maturo asi ini ndinovimba nemi TENZI. Ndinopururudza nokufarira mwoyochena wenyu nokuti imi makaona nhamo yangu makazivawo pfumvu yangu. Hamuna kundiisa mumaoko omuvengi makandiisa munzvimbo yandinogona kufamba pamadiro.
Mapisarema 31:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, ndinoʋimba nemi; ŋgandirege kutoŋgo‐nyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu. Rerekerai nzeʋe yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Iʋai ɗombo raŋgu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa. Nokuti ndimi ɗombo raŋgu nenhare yaŋgu; Naiɀoɀo ndituŋgamirirei mundifambise nokuɗa kwezita renyu. Ndibvutei pamumbure waʋakandidzikira pakaʋanda; Nokuti ndimi nhare yaŋgu. Ndinoisa mŋeya waŋgu muruʋoko rwenyu; Makandidzikinura Jehova, imi Mŋari waɀokwaɗi. Ndinoʋeŋga ʋanokudza ɀenhema ɀisinamaturo; Asi ndicaʋimba naJehova. Ndicafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; Nokuti makaʋona kutambudzika kwaŋgu; Makaziʋa kumanikidzwa kwomŋeya waŋgu; Hamuna‐kundiisa muruʋoko rwomuʋeŋgi; Makamisa tsoka dzaŋgu panɀimbo yakafarikana.